Gava
Gava (ku chingezi: fox; jackal) zvikara zvemhuka zvinoyamwisa zvidiki. Dzino vhima uye dzinodya mhuka mhenyu, kunyanya tsuro ne marhodhendi senge tsindi ne mbeva. Pamusoro pezvo, dzinogona kudya hwiza, mazai eshiri, uye michero uye mabheri. Dzimwe nguva dzinodya carrion. Makava ndiwo madiki diki mumhuri ye imbwa. Makava anowanzo sanganiswa ne mamhungubwe uye manyene.
Mamwe makava
chinjirudzaBat eared fox[1][2][3][4] imhando ye gava, asi hayina zita muChishona. Mazita muZimbabwe anowanikwa kumitauro yeChindevere, Chivhenda, Chitsonga, Chitswana, Chisotho ne Chixhosa. MuChitsonga inonzi, Xilwanandau (Chirwaneshumba? ku Chishona), uye Vandevere vachiti, Unga (Un'a kuChishona).[1]
Tsumo
chinjirudza- Unokama gava wakarinyengedzera nechitswanda chetsubvu. In order to milk a jackal you have to divert its attention with a basket of tsubvu fruit.
- Kure kwegava ndokusina mutsubvu.
Mitauro ye Chibantu
chinjirudza- Chikalanga chinoti phungubwe (jackal) rinoreva mhungubwe. Kune chivakwa chinonzi Mapungubwe kuAfurika Chamhembe.
- Chiganda chinoti kawa (to cry, howl, bark, bellow) vachirevakuchema, kuhukura kana kukuma.
- Lomwe vanoti nanthala (jackal) rinoreva gava. Lunda inoti kawa (n. dog) kureva imbwa.
Mamwe mapeji ekutarisa
chinjirudzaMabviro eruzivo
chinjirudza- ↑ 1.0 1.1 https://web.archive.org/web/20210830034959/https://www.ewt.org.za/wp-content/uploads/2019/02/30.-Bat-eared-Fox-Otocyon-megalotis_LC.pdf peji rezvemhuka iyi, painozonyorwa nezvayo
- ↑ https://animalia.bio/bat-eared-fox peji re tsananguro, panozonyorwa nezve mhuka iyi
- ↑ https://www.environment.gov.au/system/files/consultations/c7d23c79-d0f9-4389-8a0c-35a2ccce57a7/files/bat-eared-fox-draft-tor.pdf imwe referenzi yezve mhuka iyi
- ↑ https://www.awf.org/wildlife-conservation/bat-eared-fox peji re referenzi