Location via proxy:   [ UP ]  
[Report a bug]   [Manage cookies]                

C.O.C HymnBook Transitioned 1

Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 262

Nziyo DzemaKristu

CHURCH OF CHRIST HYMN BOOK


SHONA

♪♪♪♪
♪♪♪♪
♪♪♪♪
♪♪
CONTENTS…………………………………
 Apo Jesu anouya 80
 Apo ndatambudzika 118
 Apo tsuri yake Mwari 188
 Ari mubatsiri wangu 207
 Baba mune simba rose 92
 Baba mune rudo 45
 Baba ndinofara kwazvo 9
 Baba ndiri mwana wako 158
 Baba tinouya kunemi 145
 Baba vevese tinotenda 15
 Baba wangu ndinodisa 122
 Baba wedu akatsidza 212
 Baba wedu samasimba 78
 Chinjikano ndirero 176
……………………………………..CONTENTS…….
 Chinyarara mwoyo wangu 106
 Chiponesai vafi vanopera 23
 Chivunganayi 12
 Denga rakanaka sei 98
 Dimbura chingwa cheupenyu 198
 Dombo rine simba 203
 Dombotipa meso tione 192
 Doxology – Tenda Baba 77
 Dzokera mangwana 182
 Fambaiwo majoni 126
 Garai neni 99
 Hakuna Hama kupinda Jesu 56
 Hakuna mumwe kunga Jesu 71
 Hakuna usiku 195
………………………………………CONTENTS………
 Hama dzangu musha waBaba 215
 Hama dzangu ngatiimbe 107
 Hapana paasiri 17
 Hatina musha panyika 187
 Hosana kuna Mwari 160
 Hoyo mushandiri waShe 209
 Hupenyu mukutarisa 206
 Imi mose muri pasi 109
 Ingirozi dzoimba 72
 Ini ndinoda kutevera Jesu 191
 Inyasha dzaMwari 220
 Iri gomo riri kure 152
 Ishe komborera Africa 171
 Itai Tenzi izvo munoda 54
 Iva nenguva yekuponeswa 141
……………………………………..CONTENTS……….
 Jehovha wedu wakanaka 35
 Jerusarema musha wangu 194
 Jesu ari kudaidza 121
 Jesu ari pamuchinjikwa 217
 Jesu Ishe mupenyu 7
 Jesu mandibairwa 53
 Jesu muri nzira yedu 91
 Jesu muri rudo diko 115
 Jesu muri zambuko 14
 Jesu ndishamwari wedu 2
 Jesu ndowangu 156
 Jesu taungana pano 52
 Jesu unondida 40
 Jesu wanditungamira 124
 Jesu wangu mudiwa 48
 Jesu wangu ndinokuda 154
 Jesu wangu wakanaka 21
………………………………CONTENTS…………..
 Kana Jesu achidzoka 96
 Kana ndaona muchinjiko 150
 Kana nhamo dzakukomba 95
 Kristu Tenzi wakamuka 69
 Kuchave makomborero 179
 Kudenga Kwakanaka 208
 Kunonaka kuda Jesu 199
 Kuedza kwazosvika 4
 Kuita basa rake pano 143
 Kune nyika kudenga raTenzi 83
 Kune rwizi rwekushambira 104
 Kupinda kwaJesu 58
 Kusimbisa ndokuteerera 196
 Kwakanaka nemwoyo wangu 149
 Kwese Kwese Tinowonana 36
 Kwese Ndinoenda 116
 Mambo Jesu watidaidza 205
 Mazita Anodaidzwa 180
………………………………CONTENTS…………..
 Mazuva ano ndeekuguma 218
 Mufaro wezuva riya 219
 Muka mwoyo wangu 60
 Mukai Mukai vatendi 24
 MuKristu muka, mira segamba 213
 Munyaradzi awuya 172
 Mumwe aripo pamusoro 139
 Munoita wani imi 81
 Murapi mukuru 47
 Musandipfuure Baba 41
 Musatsvaka zviri pasi 175
 Mutsvene mutsvene 1
 Muzunde renyu Baba 202
 Mwari Baba wangu 62
 Mwari ngaave nemi mose 13
 Mwari wakaudza izvo unokusa 132
 Mwari wangu ndipfuwei 123
 Mweya mutsvene waMwari 144
………………………………CONTENTS…………..
 Mweya wakachena 70
 Mweya wangu una muponesi 134
 Mwoyo yedu ngairege kuchema 31
 Ndachinya She ndoripa nei 38
 Ndakabarwa mune dima 128
 Ndakaitirwa nyasha huru 11
 Ndakafirwa kare 167
 Ndanzwa Tenzi wandidana 93
 Ndawana shamwari 159
 Ndaona ropa rakanaka 66
 Ndiani kudangako 169
 Ndichaimbira kunashe 26
 NdiJesu Mambo 63
 Ndina muponesi anoshamisa 197
 Ndine hama yakanaka 120
 Ndinodai kupiwa nduramo 32
 Ndinofara kuti Baba wedu 101
 Ndinochema muponesi 97
………………………………CONTENTS…………..
 Ndinokudza Kristu 214
 Ndinomupa zvose 39
 Ndinoshamiswa kwazvo 201
 Ndinosimudza Ishe 8
 Ndinouya nemasoko eupenyu 68
 Ndinoziva shamwari Jesu 42
 Ndiri munhu wenyu Jesu 114
 Ndiri murombo 76
 Nditungamirei Baba 102
 Nditungamirei Jehovah 135
 Ndofamba ndofamba 178
 Ndofamba kune mumwe musha 130
 Ndoimbira mununuri 108
 Ndomutevera Tenzi Jesu 90
 Ndopira zvose 161
 Ndosangana sei naJesu 162
 Ndouya pamuchinjikwa 148
 Ndouya Tenzi 86
………………………………CONTENTS…………..
 Nerudo rwake rwakanaka 19
 Ngandibereke mapudzi 137
 Ngarikudzwe zita 155
 Ngatiende vadikanwi 127
 Nguva yakanakisa 181
 Nguva yenhamo 185
 Nhamo dzinongosiinda 28
 Nhasi ndinofara ini 136
 Nhasi ngatimutondere 79
 Nyatso tarira shamwari 216
 Nyengetera She uripo 50
 Nzwai iyi nyaya 61
 Nzwi renyu ndinonzwa 18
 O Jesu ndomuda 190
 O Mwari muri zuva redu 189
 O Mwari ndiri pasi pano 55
 Onai musha 142
 Pachinjikano yaShe 173
………………………………CONTENTS…………..
 Pakudenga kuna Baba 138
 Pamuchinjikwa paKalvari 100
 Pane riya gomo 183
 Pane nzvimbo yakanaka 119
 Panguva yekuteura 163
 Panyika dziri kure 85
 Pasi pano tinochema 204
 Pedyo kunemi Mwari wangu 153
 Pedyo kwamuri Tenzi 25
 Pedyo nemuchinjiko 64
 Pindai pindai mutambo uripo 170
 Rangarira 221
 Rudo runotifadza 59
 Rukuru ruponeso 117
 Runyararo 125
 Sangano reTestament itsva 211
 Sarai neni kwavira zvino 193
 Satani wakambondiedza 110
………………………………CONTENTS…………..
 Sezvo ndakadai Jesu 151
 She Jesu mose rumbidzai 6
 She Jesu ndomudai 27
 She ndinonzwa matumira 37
 She unondifambisa 51
 Shoko rekare 30
 Tachengetwa viki rese 147
 Tarirai kune nyika uko 29
 Tenzi unonditsvakira nzira 164
 Tenzi ari muno 10
 Tenzi handinangisi pfuma dzepasi 75
 Tenzi ndouya kumusha 88
 Tenzi taungana 177
 Teererai manzwi aya 168
 Tinomushumira 5
 Tiri pano pamwe tose 33
 Tiri vana vaMambo 20
 Tora simba rake Jesu 74
………………………………CONTENTS…………..
 Tosangana parwizi 82
 Tsitsi dzamira dzoga 186
 Tsitsi dzinondishamisa 166
 Tsvakai vose vakarasika 34
 Ukama hweuKristu 133
 Ungasununguke pakuipa 131
 Ungatora hako Pasi 16
 Unoneta here hama 84
 Upenyu hwangu ndinoupa 89
 Uri mukuru 157
 Usiku ihwohwo 22
 Uya kuneni iwe unenhamo 67
 Uyai mose mune nyota 129
 Uyai mweya unoyera 65
 Uyai mweya wakachena 73
 Uyai Nyamusi 87
………………………………CONTENTS…………..
 Vabari vedu vekutanga 105
 Vanokomborerwa avo 46
 Vatendi vanofara 94
 Wafa muponesi pachinjikano 174
 Wafa Tenzi wangu 43
 Wagadzira nhasi here 57
 Wafa muponesi wedu 44
 Wakanaka uyo musi 112
 Wakatora chipata 165
 Wakatambudzika Jesu 210
 Zano chiro chakanaka 200
 Zuva guru richauya 49
 Zuva rangu muponesi 3
 Zuva iri kudoka 140
 Zvakanaka kuva pano 103
 Zvangu zvese ndezva Jesu 113
 Zvikomborero kunemi 111
…………………………NEW SONGS…………..
 Baba wedu makatsidza 212
 Dombo rine samba 203
 Hama dzangu musha waBaba 215
 Hoyo mushandiri waShe 209
 Hupenyu mukutarisa 206
 Inyasha dzaMwari 220
 Jesu ari pamuchinjikwa 217
 Kudenga kwakanaka 208
 Mambo Jesu watidaidza 205
 Mazuva ano ndeekuguma 218
 Mufaro wezuva riya 219
 Mira segamba 213
 Muzunde renyu Baba 202
 Mwari mubatsiri wangu 207
 Ndinokudza Kristu 214
 Nyatsotarira Shamwari 216
 Pasi pano tinochema 204
 Rangarira 221
 Sangano reTestamende itsva 211
 Wakatambudzika Jesu 210
…………………………CHEWA HYMNS…………..
 Idza Wolema 5.(47)
 Kwatu Sipadziko 1.(317)
 Limba Mtima 6.(174)
 Msandipitirire 4.(46)
 Mundimvere 2.(234)
 Ndialeluya imbirani 7.(15)
 Ndiimba 3.(13)

………………………NDEBELE HYMNS…………………

 Dumisani bantu nonke 3.(42)


 Mangisondele 4.(281)
 Singabahambayo emhlabeni 1.(237)
 Sinomhlobo onguJesu 2.(75)
 Yimani Isibindi 5.(311)
HYMN 1
M’tsvene, M’tsvene, M’tsvene, Mwari wemasimba
Tinomukumbira pamangwanani ese
M’tsvene, Mtsvene, Mtsvene, mune nyasha huru
Mumwe vatatu pamwe chetezve

M’tsvene, M’tsvene, M’tsvene, vese vanodaro


Vakahwararira pamberi penyu Mwari
M’tsvene, M’tsvene, M’tsvene, Vanomunamata
Makange muri munozovazve

M’tsvene, M’tsvene, M’tsvene, zvese zvakasikwa


Zvinokudza imi mukuru kune vese
M’tsvene, M’tsvene,M’tsvene, Makamisa misi
Muri mupenyu nemusiki zve
HYMN 2
Jesu ndishamwari wedu mununuri wakanaka
Tinokomborerwa kwazvo tine hama yakadai
Kuti tichimukumbira anofadzwa kupindura
Anotipa zvakanaka hatichazoshayi chiro

Kuti tinedambudziko kana tinerurunziro


Hatizovi ne urombo tinotenda kuna Ishe
Hativoni imwe hama yakanaka kunge Jesu
Anoziva vanhu vese mukumbire anokunzwa

Kuti tisisine simba rekuita basa rake


Jesu anotipa simba rekuita basa rake
Kana kuti takatukwa tinonyararidzwa naye
Jesu ndishawamwari wedu rudo rwake rwakanaka
HYMN 3
Zuva rangu muponesi Kuno penya apo muri
Ndirambidzei zvakaipa Zvinozondidzikatira

Apo hope dzandibata Ndichengetei nguva dzese


Garai neni pausiku Dzamara murufu rwangu

Ndikomborerei ndichamuka Ndisati ndaenda kubasa


Ndichanaka nepanzira Dakara ndisvike kudenga
HYMN 4
Kuedza kwazosvika kwadzinga rima rese
Vamuka vanhu vese kudzidza Jesu Kristu
Masoko akanaka ouya misi yese
Ekuti vadzimambo vanoda vafundisi

Vonayi vanhu vazhinji vanoda kudzidziswa


Kufamba mune nzira yavanhu vakanaka
Majaya nemhandara vanoda ruponesi
Vababa ne vamayi vanoda nzira itsva

Rwasvika ruponeso rwaMwari nyika dzese


Rwofadza kure kure kumadzinza ese ese
Tapota imi baba pamsana pake Jesu
Kuvaponesa avo vagare mune rima
HYMN 5
Tinomushumirai nhasi zuva renyu
Patiri douyai nhasi zuva renyu
She nyasha mutipei neropa tisukeyi
Rigotinatsa sei nhasi zuva renyu

Tonyengetera SHE nhasi zuva renyu


Nesu vo mutinzwe nhasi zuva renyu
Pazvivi tirwirei SHE mutibetserei
Tigozvivenga sei nhasi zuva renyu

Nzwi renyu tigonzwa Nhasi zuva renyu


Toda kuteerera Nhasi zuva renyu
Tifadzwe SHE naro Ribaye moyo vo
HYMN 6
Ishe Jesu mose rumbidzai Vatumwa gwadamai
ZvouIshe hwake farirai Kudzai Ishe imi mose
Iye Ishe kudzai

Vasunungurirwa tarirai SHE wenyu chimudai


Nezvipo zvenyu chiuyai Kudzai SHE imi mose
Iye SHE kudzai

Gwayana raShe chivongai Mufiri chitendai


Chengeto yenyufarai Kudzai SHE imi mose
Iye SHE kudzai

Ikoko kuchanzi farai Huyai chigwadamai


Varwirawa vose pfugamai Kudzai Ishe imi mose
Iye Ishe Kudzai
HYMN 7
Jesu She mupenyu hakuchina zvinotyisa
Watipa hupenyu shungu dzose wakapwisa
Hareruya

Jesu She mupenyu zvino suvo reupenyu


Rashamira isu tozosvika’po parufu
Hareruya

Jesu She mupenyu watifira tomutenda


Unonatsa isu Ndiye watinokudzisa
Hareruya

Jesu She mupenyu rudo rwake rwatibata


Hakuchine chinhu chotigurisa ukama
Hareruya

Jesu She mupenyu wakabata ushe hwose


Ngatisiye zvedu kundofara naye chose
Hareruya
HYMN 8
Ndinosimuda She kundibetsera
Nzwi renyu ndigonzwa kundinyaradza

Ndinosimuda She Sarai neni


Ndingazokundavo Muri pandiri

Chorus
Ndotsvaga imi moga Moyo wangu womusuwa
Nditaririre Jesu Ndinyaradzeyi

Ndinosimuda She Pandinofara


Pandotamburavo Musandisiye

Ndinosimuda She Ndinatswe chose


Ndimushumirewo Nomwoyo wose
HYMN 9
Baba ndinofara kwazvo kuti ndidaidzwe nemi
Ndakagara muzvitema ndikapera kusvibiswa
Asi hamusaka ramwa makandida zvenyu Baba

Baba kunakanyi kwenyu nhamburiko dzakaitwa


Kunditsvaka pasi pano ndikawonwa ndiri kufa
Ndikaitwa unopona Tenzi ndinomutevera

Kuti mune basa renyu iro ndaingagone kuita


Ndingafadzwa kuriita ndisingadi muripiro
Ndinodisa kubatira imi basi Tenzi wangu
HYMN 10
Tenzi ari muno mumba make tsvene
Isu vanhu tese ngatinyararise

Apo tichimuno ngainzwikwe zvino


Mikumbiro yedu takanyararisa

Muparidzi wedu ngaapiwe zvino


Mazwi anogutsa mwoyo yedu nhasi

Tenzi tirimiuno mumba yenyu tsvene


Takagaririra takanyararisa

Apo tichimuno tinomukumbira


Tigadzirireyi kunzwa izwi renyu

Apo tichimuno tikomborereyi


Tifarisiseyi tikwadzaniseyi
HYMN 11
Ndakaitirwa nyasha huru Inyasha dzaShe dzoga dzoga
Ndimuponesi wangu zve Zve inyasha dzakandipa
She Rinenge riri nenji guru She Jesu wandifirawo

Ndakanga ndisina kunaka bvazvino ndashandudzwa sei


Ndakanga ndiwandirwe mhaka ini ndaidzipira nei
NdiJesu wandinatsazve Inyasha dzake Iye Ishe

She Jesu ndinotenda zvose zvenyasha dzamakandipa


Ndichanyepera vanhu vese ndichiti Jesu watida
Ndoshuva kuti vamude Vatsvake nyasha dzenyu dzenyu
Ishe

She Jesu wangu wovunyoro Mundipe nyasha dzenyu


Mugondisvitsavo kumusoro Kudenga kwamuri imi She
Kwandichando muvonga zve Zvandakapihwa nemi She
HYMN 12
Chiunganai Tikudze Tenzi wedu
Chisimukai Tivambe nziyo yedu
Hareruya Hareruya

Chifarai She wakatiponesa


Bva chikudzayi Wakatiraramisa
Timukudzeyi timukudzeyi

Chimuvongai Nokuti zvirokwazvo


Muchingodai Munomufadza nazvo
Unozvida unozvida

Chitererai Nemi masara shure


Chiswederai Namirireyi kure
Tiimbisei tiimbisei

Chibvumirai Nemiwo ndudzi dzose


Chirumbidzai She wamadzishe ose
Hareruya hareruya
HYMN 13
Mwari ngaave nemi mose dakara tisanganezve
Amutungamirireyi Mwari ngaave nemi mose

Mwari ngaave nemi mose unomuchengeta


Munopiwa mose kudya Mwari ngaave nemi mose

Mwari ngaave nemi mose apo mune madambudzo


Munozobatsirwa naye Mwari ngaave nemi mose

Chorus
Kuti tisangane (tose) Kuti tisangane zve naJesu (naJesu)
Kuti tisangane (tose) Mwari ngaave nemi mose
HYMN 14

Jesu muri zibwero randitsemukirani


Mvura nemaropazve zvabva parutivipo
Ngazvishambe mwoyoyu ndibve mune mhosvani

Handiunze zvipoba ndinotenda kuna She


Handisakanakaba handina masimba wo
Ndinobhururukawo ndisukeyi ndisafe

Apo ndararamawo rufu runo uyawo


Kuti ndobururuka kune denga dzvenero
Zibwe reruponeso Ngandivande kunemi
HYMN 15

Baba wevese tinotenda nemangwanani neusiku


Neruzororo neruchengeto nezvinofadza upenyu hwedu

Tinomutenda nezvekudya nezviro zvese zvatinazvo


Ndizvo nemwoyo inotenda tinomudisa mazuva ese

Asi zvikuru tinotenda nemurumbwana wenyu Jesu


Akatifira kutiponesa nekutitora kudenga rake

Tibatsireyi misi yose kugara zvakanakisisa


Tinoda mwoyo yakarurama inofanana nerudo rwenyu
HYMN 16

Ungatora hako pasi nerufaro rwapo rwese


Ndinotora hangu Jesu nerufaro rwake rwese

Ungatora hako pasi neupfumi hwapo hwese


Ndinofadzwa naye Jesu haazondinyimi chiro

Chorus
Tsitsi dzake zhinji zhinji dzinokwana kune vose
Ruponeso runopiwa Kune vanhu vake vose
HYMN 17
Hapana paasiri wedenga Mambo She
Vari pose wo Patiri ndipo paari She
Mirangariro yese Painokwira po
Kumusoro pasi pese wedenga uripo

Hapane zvinhu zvese zvinodarikwa po


Vanomutenda vose vachachengetwa vo
Mazana adzo shiri nebundo nairo
Yaanguva wo makonye orinda zvosezvo

Zviri munyika yose zviri mumvurawo


Nezvinofamba pose zviri mudengamo
Zviumbwa zvake zvose uchazvinyimireyi
Mazuva ose ose Zvinochengetwa sei

Bva vana vaShe Mambo votaririrwavo


Uri parudyi rwavo nekuruboshwe ko
Pavanoshaiswa samba panhamo dzesevo
Nyangova wo parufu wedenga uripo
HYMN 18
Izwi renyu ndinonzwa rinondidana
Kuuya zvino kunemi ndigosukwa

Ndakamuchinyirai bva mune nyasha


Mangava angu chirashai mugondinatsa

NdiJesu wandida wakandirwira


Unonditungamirira agondisvitsa

Ndotenda ropa sei ndotenda nyasha


Ndotenda Jesu Kristu SHE wakandifira

Chorus
Ndinouya Ishe Zvino neniwo
Ndisukeyi Ishe Ndinatseyi neropa renyu
HYMN 19
Nerudo rwake rwakanaka ndinodisa Jesu
Nekuti anondioda ini Ndinomutevera

Nekuti anondisimbisa ndinodisa Jesu


Mupfumvu dzangu pasi pano ndinomuda kwazvo

Nerudaviro kunaiye ndinomuda Jesu


Kumutevera misi yose ndinomuda kwazvo

Chorus
Ndinodisa Jesu Ndinokudza iye
Jesu unondida ini ndinomutevera
HYMN 20
Tirivana vamambo vamambo vamambo
Tiri vana vamambo toimba parwendo
Jesu mutungamiri isu tichitevera
Tichienda kumusha toimba parwendo

Tinoenda kumusha kumusha kumusha


Tinoenda kumusha toimba parwendo
Tinoenda kumusha uko kusina nerima
Nerufaro toenda toimba parwendo

Nerufaro toenda toenda toenda


Nerufaro toenda toimba parwendo
Hatirege kuimba tese tinofarirana
Dakara tinosvika toimba parwendo
HYMN 21
Jesu wangu wakanaka Jesu wangu uripi
Misi yose ndinotsvaga bvandichamuwanepi
Mwoyo wangu unochema uchanyaradziwa nei
Zvivi zvangu zvinorema bvandicha muudza sei

Nyika haingandifadzi zvayo handichazvidi


Ini zvandiri mutadzi shungu dzangu hadzipwi
Dzichapiswa ndichiwana muponesi Jesu SHE
Ndinoramba ndichidana Jesu wangu uripi

Ngandipiwe mapapiro ndigokwasha Jesu SHE


Ndichafara zuva iro randasvika kwaari
Wakadana wakanyara vagowana zororo
Vane shungu vachafara neni ndichafarawo
HYMN 22
Husiku ihoho Vose vo Vatapo
Bva vorinda ndi bambo namai
Vasvinura pamwana honayi
Tisvunure nesu

Husiku ihoho Jesu wakatida


Wakauya panyika kudai
Wakaberekwa nhasi, farai
Ngatifare nesu

Husiku ihoho vouranga uko


Vakaona vatumwa vaSHE
Vachiimba zvikanzi rugare
Rwakasvika pasi

Husiku hunowo toda kukudza SHE


Nesu tinomufarirawo
Sezvaita vafudzi uko
Tomuvonga nesu
HYMN 23
Chiponesai vafi nevanopera
Vose vabatwa nezvivi rwirai Chorus
Vakagumburwavo muvarumudze Chiponesai vafi nevanopera
Simba raJesu chivaudzai Vose vabatwa nezvivi rwirai

Nyangwe voramba vo, nomirira


Kugamuchira vatendeuka
Vagombedzereyi vavuye zvino
Mhaka vachakanganwirwa naye!

Mwoyo womunhu vo, nyangwe washata


Ungazonatswa nenyasha dzaShe
Ungazosiwa zve ukashandurwa
Ungamutsiwa ugotenda zve

Chiponesai vafi sezvamarairwa


Muchasimbiswa naJesu,tsungai!
Nezhira nhete vo muvaratidze,
Muvanyevere SHE unomudai!
HYMN 24
Mukai, mukai vatendi She wenyu chirwirai
Vepfumo rake rose mireza simudza
Pakurwa muchakunda She Jesu anemi
Vavengi vagopera Kristu agova She

Mukai, mukai vatendi hwamanda tererai


Indai kupfumo mose,She wenyu teverai
Imi varanda vaShe,huyai mushumirei
Nyangwe munjodzi huru nesimba murwirei!

Mukai, mukai vatendi She wenyu mirirai


Nesimba rako rega, Varume simukai!
Nenhumbi dzose dzaShe mutore chipfekai
Pamunodanwa pose, Musatya chipindai!

Mukai, mukai vatendi Anozopera vo


Mapfumo pano pasi Patairwa nawo
Vakundi vanopiwa Korona ikweyo
Vachazobata hushe Husingaperi’ko!
HYMN 25
Pa pedyo kwamuri Tenzi Ndinobhururuka
Zvitema zvangu zvakawanda Zvinondondomedza

Pa pedyo kwamuri Tenzi Tiri kupfugama


Maropa enyu anesimba Kuti sunungura

Pa pedyo kwamuri Tenzi Toda kuzorora


Kugara nemi misi yese Kunotichenesa

Chorus
Ndichengetei Ndichengetei Ndinomudisa Tenzi
Ndifukidzei Ndifukidzei Nekururama kwenyu
HYMN 26
Ndichaimbira kunaShe nerwo rudo rwake’rwo
Wakatuma mwana wake kundifira ini wo

Ndinowona mazwi ake ari eupenyu wo


Anofadza kure kure kune nyika dzose’dzo

Kuti tichitenda Mwari tinopona kunaShe


Tinozochengetwa naye tichisvika denga’ro

Chorus
Ndichaimba iyi nyaya Ndinopona kuna She
Ndinoimba nengirozi Dzino gara kudenga
HYMN 27
She Jesu ndomudai ndinomutarirai
Mafireni nzwi rangu chionzwai
Mangava chibvisai moyo wose ndomupai
Ndewenyu She

Bva nyasha chindipai Mwoyo wangu simbisai


Ndimutswe zve Zvamakafire’ni
Ndinamatire’mi Chindibetserai zve
Ndimude She

Ndichi muzhira vo Ndisakasvika’po


Ndiberekei She! Chindifambisai
Chinditungamirirai Murima vhenekai
Ndisesedzei

Bva kukasika’po Nairwo rufu wo


Handizotyi She wangu nditorei
Mundigamuchirei Kumusoro Ndikwidzei
Kudenga She
HYMN 28
Nhambo dzinongosiinda Zuva mwedzi gore
Pamakwara edu ose tsoka dzonodzimwa
Pasi tinosishaiwa Chisingazoori
Nhambwe dzinoenda chose Bva tozviudziwa

Madzimambo amboita Tiri sure kwavo


Vana vachazotichema Towa samashizha
Tose tinosingofamba Zhira imwe iyi
Kuzhe kwenyu She wedenga Vanhu vachadini

Mambo pahurombo rwangu Mambo pamufaro


Mambo vo,parufu rwangu Mambo nomubwiro
Nyangwe zvose zvashanduka Munogara henyu
Nyangwe ndofa, ndozorora Muruoko rwenyu
HYMN 29
Tarirai kune nyika uko Nekutenda toona iyo
Mambo vedu vanogarapo Vachingogadzirira isu

Tichazondoimbira apo Nziyo dzavadikanwa vaSHE


Mweya yedu ichafara vo, Ichangozorodziwa naye

Tichandovunganira apo Tichandokudza zita raSHE


Nyasha yake tichavonga vo’ Tozopiwa zororo naye

Chorus
Tichando farawo Musiwatichazosvikako
Tichando farawo Musiwatichazosvikako
HYMN 30
Shoko rakarekare ndiudzei irero Shoko rekare kare
RaJesu mukuru Nerudo rwake wo Ndivudzeirero
Ndiudze zvakanaka uchidudzirazve Nomusi wa wavona
Ndichitsawuka’po
Ndoshaiwa samba rose
Ndongoremerwa sei Nyangova kana rufu
Rwondisvikira vo
Handidi rimwe shoko Ndivudze
Ndivudzevo chinyai Ndigonzwisise’ni irero
SheJesu unopodza Varwere seni
Ndivudze upamhidze Chorus
Ndinokanganwavo
Shoko rakarekare shoko
Mwoyo’ wangu washatiswa Nezvivi rekunyaradza
zviri’mo
Shoko romuchengeti Ndiudzei
irero
Ndivudze vo zvivuya Urangarire zve
Ini ndiri mutadzi Ndafirwa naye SHE
Ndivudze misi yose Ndivudze
zvose’zvo
Zvinozondinyaradza
Pandonyunyuta’po
HYMN 31
Mwoyo yedu ngairege kuchemera vafa
Vese vanotenda Jesu vachaponeswa

Mwoyo yedu ngairege kuva neurombo


Munotenda kuna Mwari tendai zve kuneni

Mwoyo yedu ngairegi kungo chema chema


Jesu wakamuka zvake Nesu tichamuka

Chorus
Ndiye M’ponesi Ndiye M’ponesi
Nerumuko rwedu
HYMN 32
Ndinoda zvikuru kupiwa nduramo
Ndinoda kazhinji kugara nemi’imi
Ndizvozvo M’ponesi ndouya kunemi
Sukai ndichene mumwoyo wangu

Nditorei M’ponesi kuuya Kum’soro


Ndinoda kugara ikoko nemimi
Ndokudza kunemi ndokudza kunemi
Sukai ndichene mumwoyo wangu

Ndinokukumbirai M’ponesi wevanhu


Ndinoda kuita mabasa aMwari
Amakatumira rufaro panyika
Sukai ndichene mumwoyo wangu

Chorus
Ndinofarira sukai ndichene
Ndisukei ndichene kudai semimi
HYMN 33
Tiri pano pamwe tose tachengetwa gore rino
Ngatiudze Mwari wedu naye Tenzi wedu zve

Gore rakatipfuura takaona madambudziko


Asi takapiwa simba Hatisaka kundwa ba

Vamwe vedu vakatorwa basa ravo rakapera


Zvino vanovona Mwari Vano vona Jesu zve
HYMN 34
Tsvakai vose vakarasika nekuvaunza kwaMuponesi
Izwi raJesu kushumaira kuna ivo vari murima

Tsvakai vose vakarasika nekuvaunza kuna Jesu


Kutungamira kuiyo nzira yekuponeswa naye Jesu

Ndizvo tinoda nekuti Jesu watidaidza kumutevera


Kuvabatsira vakarasika nekuna Jesu kuvaunza

Tsvakai vose varimurima nekuvaunza mukupenya


Kuti vawone nzira yaJesu yekuzopinda nayo kumusha

Chorus
Yendai kure (yendai kure) Kumakomwoyo (kumakomwoyo)
Unzai vafambi (unzai vafambi) Kumusha (kumusha)

Pinzai mudanga (pinzai mudanga) RaMuponesi (ramuponesi)


Jesu nyenye (jesu nyenye) Yabaiwa (yabaiwa)
HYMN 35
Jehova wedu wakanaka ari kwese kwese
Chisepe chake chakanaka chiri kune vese

Jehova wedu tinomuda tinomushandira


Hukuru hwake hunopinda kutondera kwedu

Jehova wedu samasimba anoziva zvese


Chigaro chake pakudenga anotonga zvese

Jehova wedu wakanaka wakatitondera


Akapa murumbwana wake kuva Mu
HYMN 36
Kwese kwese tinowona vanhu havazivi Kristu
Vakarasikirwa diko vanotadza Muponesi

Vatumei mangwanani vatumei pamauro


Vatumei masikati kune misha yavo yese

Asi isu Baba wedu tine basa rekuita


Tine hama neshamwari titumei kuna ivo

Chorus
Mwari wedu wemasimba Tinzwei tinomukumbira
Tumai vafundisi kuno Kune nyika ine dima
HYMN 37

She ndinonzwa matumira vamwe mweya wenyu


Neni ndinonyengetera donditereraiwo
Neniwo Neniwo Donditereraiwo

Musandidarika Mambo Ndakachinya hangu


Bva mundipe nyasha dzenyu Ndinzwirei urombo
Neniwo Neniwo Ndinzwirei hurombo

Musandidarika Jesu Ndigogara nemi


Ndibatei norudo rwenyu Mundidane neni
Neniwo Neniwo Mundidane neni
37 CONTINUED

Musandidarika Mweya Mugondisvinudza


Zvose zvandapiwa nemi Muzondiratidza
Neniwo Neniwo Muzondiratidza

Rudo rwoWedenga wangu Ropa roMufiri


Uye nyasha dzenyu huru Ndidzigamuchire
Neniwo Neniwo Ndidzigamuchire
HYMN 38
Ndachinya She ndoripa nei Ndachinya rudo rwenyu She
Handina zvose ndoitei Runondinatsa mwoyo zve
Zvamandifira ndichatyei Runongondipa rugare
Ndowuya ndakadai Ndowuya ndakadai

Ndachinya ndakashata sei Ndachinya misi yose She


Bva zvino ndichagarirei Kwamuri ndichawuya zve
Neropa renyu ndirwirei Hupenyu hose ndimupei
Ndowuya ndakadai Ndowuya ndakadai

Ndachinya ndigamuchirei
Nekanganwiro mundipei
Ndotenda shoko renyu sei
Ndowuya ndakadai
HYMN 39
Ndinomupa zvose Ndive wenyu chose
Nhambo dzangu ndomupai Nadzo ndigomukudzai

SHE mavoko angu Ndinomupa hangu


Tsoka dzangu naidzo Dzigomufambira wo

Nezwi ndinomupa Rigomuimbira


Nomuromo wangu zve Ngaurevi zvenyu SHE

Pfuma yangu yose Ndinomupa chose


Nemifungo yangu wo Ndimukudze SHE nayo

Jesu kuda kwangu Kuve kuda kwenyu


Mwoyo wangu naiwo Ive imba yenyu wo

Vuye rudo rwangu Ndodurura hangu


Chose ndinozvipe’mi Ndive wenyu moga SHE
HYMN 40
Jesu unondida Chorus
Shoko rake ndanzwa Jesu wandida
Vana unovada Jesu wandida
Simba unovapa Jesu wandida
Ishoko randanzwa
Jesu unondida
Wakambondifira
Wakagadzirira
Pandichanokwira

Jesu unondida
Uri pedyo neni
Kana ndobva pano
Ndondogara naye
HYMN 41
Musandipfuura Baba Inzwai tochema
Mukakomborera vamwe Musatipfuure

Tinotenda imi Jesu Tinomukumbira


Simba renyu riri Zhinji utiponesa

Tanga tiri kufa isu Imi mauya


Kuzotiponesa isu Vana venyu

Chorus
Jesu Mambo Tochema kwamuri
Mukakomborera vamwe Musatipfuure
HYMN 42
Ndinoziva shamwari Jesu Anondipa vashamwari vose
Ndiye unotipa zvose Ndiye unondibatsira
Jesu ndiye shamwari yoga

Ndinoziva shamwari Jesu Anondibatsira nguva dzose


Wakauya pasi pano Akakwira denga dzvene
Jesu ndiye shamwari yoga M’ponesi shamwari yangu

Ndinoziva shamwari Jesu Anogara neni nguva dzose


Anonyararidza vanhu Ndiye anotifarisa
Jesu ndiye shamwari yoga

Chorus
M’ponesi shamwari yangu Ndiye anondibatsira
Ndiye anondichengeta Jesu Ndiye Shamwari yoga
HYMN 43
Wafa Tenzi wangu Akafira ini
Zvino ndinopona Neri ropa rake Kristu

Ndizvo Tenzi wangu Torai pfungwa dzangu


Ndino dzipa imi Ndiitei mwana wenyu

Torai mwoyo wangu Nendangariro dzangu


Zvishandire imi Tenzi Mwari Baba wangu

Zviro zvakanaka Zvakandinakira


Zvekutenda imi Muponesi wedu Tenzi

Ndizvo tino rimwa Ini ropa renyu


Nemuviri wenyu Kuti tive wanopona
HYMN 44
Wakafa Muponesi wedu Muchengeti wedu
Nekuda isu vashaishi kuti tiponeswe

Wakafa nekuipa kwedu Uko takaita


Hakuna tsitsi dzakadaro Pasi pano pese

Tinonzwa kuti zuva raka Dzima neyo nguva


Nekuti Kristu wakatifira Vanhu vose pasi

Misodzi yedu haikwani Kuratidza rudo


Ndomupa Tenzi mwoyo wangu Nemuviri zvose

Chorus
Ndiwonei Mponesi imi Ndive anotendwa
Pa musi muno tonga tose Muzo nditorera
HYMN 45
Baba mune rudo muno tida kwazvo
Muri makanakisisa kune vanhu venyu

Muno tipa zuva neku tonhorera


Neusiku huno uya kuti tizorore

Muno tichengeta kuti takarinda


Muchinatsa kutimutsa mangwanani ose

Neidzi pfuma dzedu tinopiwa ndimi


Hatingadziwani kwete tinopiwa ndimi

Makatuma Jesu murumbwana wenyu


Kuti atisunungure pakusungwa kwedu
HYMN 46
Vanokomborerwa avo vane mweya wehurombo
Zviro zvese zviri zvavo neumambo hwe Kudenga
Neumambo hwe kudenga

Vanokomborerwa avo vanochema ne zvitadzo


Vachazonyaradzwa kwazvo nekuchizogara neni
Nekuchizogara neni

Vanokomborerwa avo vane mwoyo yakapfava


Vachagara nhaka huru Vachaimba vakudenga
Vachaimba vakudenga
HYMN 47
Murapi m’kuru uripi werudo ndiye Jesu
Anofarisa varombo kuvapa zvekupfeka

Zvitema zvasunungurwa nesimba raka Jesu


Fambai naye kudenga mugare kuna Jesu

Mbiri kuna Mambo Mwari Ndino davira Jesu


Ndinodisa zita iri ramuponesi Jesu

Chorus
Zita rake ritendwe Zita rake rikudzwe
Zita rake riimbwe Jesu hunde Jesu
HYMN 48
Jesu wangu mudiwa Ndinouya kunemi
Zvitema zvandibata Muripo mununuri
Ndivige Ishe wangu Dakara kwanyarara
Munonditungamira Kumusha wekudenga

Ndimi chidziviriro Hakuchina zvechimwe


Ndosimbira kunemi Rubatsiro zve rwenyu
Musandisiye ndega Ishe mundibatsire
Mundifukidze ini Nemapapiro enyu

Tinoda imi Tenzi Kuti mutiponese


Zvitema zvatinazvo Mutisunungure imi
Dzikayi Tenzi wedu Tiwoneyi imi Tenzi
Tirape nhasi Tenzi Mutisunungure’su
HYMN 49
Zuva guru richauya chitarira richauya
Irairo yakaitwa Ishe vachiti ndichauya

Nyika yedu ichafara Ishe wowuya tichafara


Pamakore uchauya Titarire tichifara

Pachigaro chinobwinya Uchagara achitonga


Ndudzi dzose dzichamira Dzichihuta achitonga

Vokurudyi uchavati Chipindai mumufaro


Makakunda chipindai Mumufaro waShe wedu

Chorus
Tichaimba zuva iro Tichiona Ishe wowuya
Imbirai, farirai Wowuya Ishe wedu
Imbirai, farirai Wowuya Ishe wedu
HYMN 50
Nyengetera Ishe uripo Nyengetera izwi unonzwa
Wakapika chimutenda Nyengetera wodaidzwa

Nyengetera panjodzi wo Nyengetera uchakunzwa


Nhamo dzako uya nadzo Nyengetera unokunda

Nyengetera pakuidzwa Nyengetera ugokunda


Jesu wakamboidzwa Nyengetera wasimbiswa

Nyengetera vimba naShe Nyengetera ukumbire


Simba rake iguru sei Nyengetera unokunzwa
HYMN 51
Ishe unondifambisa Ishoko rinofadza
Pandinoinda pose Uneni misi yose

Parima nepanhamo Pachiedza nomufaro


Parwendo rwangu rwose Uneni misi yose

Ndibate chanza chenyu Ndiite kuda kwenyu


Ndichingotenda zvose Muneni misi yose

Bva kana ndazopedza Mubato wapanyika


Handityi rufu chose Muneni misi yose

Chorus
Ishe unondifambisa Norudyi ndobatiswa
Ndinoda kusesedzwa Zvaanotungamira
HYMN 52
Jesu tawungana pano Simbisai mawoko edu
Kumuvonga mangwanani ano Tichibata basa redu
Mutifadze pawungano Chinatsai wo nzira dzedu
Muve pedo nesu Ishe Nomufaro wenyu ,Ishe

Zvino rima rakainda Muchengete vanhu venyu


Tinotenda matirinda Tigotenda shoko renyu
Mutimutse muchipinda Tichifamba nzira dzenyu
Nechadzera chenyu Ishe Mutipe rugare Ishe

Tipei mwoyo yakanaka


Mutikanganwire mhaka
Mutinzwewo ,tichitsvaka
Nyasha dzenyu huru ,Ishe
HYMN 53
Jesu mandibairwa Munemi ndovanda
Ropa rateurwa Rondidzikinura
Ndikanganwirei Ishe zvivi ndibvisirwe

Ndokoniwa chose Mirairo yose


Nyangwe ndikatsunga Ndikashingaira
Mhaka hadziripwi Asi nomufiri

Ndinoshaiwa zvose Nguvo,samba njere


Zvose ndokumbira Ndichigwadamira
Ndichinamatira Chinjikano yoga

Ndichi pasi pano Kukasvika rufu


Pakugurwa uko Ndichengete Jesu
Imi mandibairwa Munemi ndovanda
HYMN 54
Itai Tenzi sezvo munoda Muri musiki ndiri muumbi
Ndiumbei Tenzi sezvo munoda Ndakamirira ndakarindira

Itai Tenzi sezvo munoda Ndakakuvadzwa ndirapei


Simba nderenyu kuda ndekwenyu Ngandiratidzwe mwana
waMwari

Itai Tenzi sezvo munoda Bvisai kiupa isai kunaka


Tungamirei zvakarurama Titambirei Baba wedu

Itai Tenzi sezvo munoda Tidzidzisei zvese zvaMwari


Ndigadzirirei imba kumsoro Ndoda kugara nemi Tenzi
HYMN 55
O Mwari ndiri pasi pano (Dzokerera)
O Mwari ndiri pasi pano kutsvaka nyasha dzenyu

Ndisunungurei Baba zvino (Dzokerera)


Ndisunungurei Baba zvino pamsana pake Jesu

Uyai imi Mweya Mtsvene (Dzokerera)


Uyai imi Mweya Mtsvene Mutungamiri wangu

Rujeko rwangu garai neni (Dzokerera)


Rujeko rwangu garai neni Upenyu hwangu hwese

Chorus
Ndotenda kuna Jesu Kristu Ndotenda kuna Jesu
Ndotenda kuna Jesu Kristu Mandipa Ruponeso
HYMN 56
Hakuna hama kupinda Jesu Hakunaba hakuchina
Hakuna mumwe kurapa vanhu Hakunaba hakuchina

Hakuna chipo chikuru zveba Chinopinda Jesu Kristu


Hakuna mumwe munyararidzi Hakunaba hakuchina

Hakuna nguva tisinga konwi Naye Mwari Baba wedu


Hapana nzvimbo asingazivi Hakunaba hakuchina

Chorus
Jesu ndiye shamwari wedu Anonatsa kutungamira
Hakuna hama kupinda Jesu Hakunaba hakuchina
HYMN 57
Wagadzira nhasi here Nzvimbo yake Jesu Kristu
Yekugara mweya wake Wakakumirira iye

Mwari ndiye Baba vedu Isu tiri vana vake


Anotuma Mweya Mtsvene Kuti uzogara nesu

Kuti uchimuda Mwari Unozoponeswa naye


Zvakusina imwe nzira Yaunga poneswa nayo

Chorus
Kuti une nzvimbo yake Mambo weva Mambo vose
Mwoyo wako chizarura Kuti Kristu azopinda
HYMN 58
Kupinda kwaJesu mumusha Kwakanaka kwazvo
Mudungwe wevese mukuru Jesu Mambo wedu

Kufara kwe vese kukuru Vakamukuvira


Nhavani dzemiti michindwi Vakadzifunhira

Zvifuko zvizhinji zvevanhu Zvakawarwa pasi


Kumuvirikidza nesiya Nekumuimbira

Chorus
Hosana Hosana Hosana Kuna Jesu Kristu
Hosana Hosana Hosana Kuna Mambo wedu
HYMN 59
Rudo runotifadza Runonatsa nzira
Runoita titeere Nekuva nemutsa

Pasi pane urombo Kurwara nekufa


Ne rudo tobatsira Vamwe kudavira

Apo basa rapera Totorwa kum’soro


Ngoma yedu toimba NaJesu nerudo

Chorus
Mwari rudo tiri vana vake Mwari rudo tifanane naye
Rudo runotifadza runonatsa nzira Runoita titeere
Nekuva nemutsa
HYMN 60
Muka mwoyo wangu muka fambai pamberi
Mwari anokudaidza Kugara narini

Izwi resimba raMwari Rino kudaidza


Anovapa zvipo zvavo kune vanodisa

Mbowo zhinji dziri pedyo Dziri kunangisa


Siya nzira’yo yakare Muyende kudenga

Muponesi matiisa Munzira kumusha


Kuti apo takwirira Tinozokutenda
HYMN 61
Inzwai iyi nyaya yedu Nyaya yaM’ponesi wedu
Yekuti wakadzika pasi Kuzotikponesa isu

Hakuna umwe wakadisa Kuzvipira kune pasi


Kuita basa rino konja Asi Jesu Kristu basi

Mukumbiriri we vatadzi Uyo waka siya denga


Kutora nzvimbo yangu pasi ini ndisakafanira

Chorus
Ndi Jesu wakatiponesa (NdiJesu wakatiponesa)
Aripi zvino (Ari kudenga) Mukumbiriri wedu tose
HYMN 62
Mwari Baba wangu Ndino vona vanhu
Vakasiya nzira dzenyu Varikurasika

Nehupenyu hwedu Huno dukupiswa


Asi tichitenda kuti Muno gara nesu

Vanhu vano barwa Ivo vanokura


Asi kufa kunouya Mwari garai nesu

Kana tichichema Nema tambudziko


Achapera ndichafara Mwari garai nesu

Chorus
Garai nesu garai nesu Nekusingaperi
Garai nesu garai nesu Nekusingaperi
HYMN 63
NdiJesu Mambo wekudenga NdiMambo weva Mambo
NdiMambo weva Mambo Uyai muhwarare mose

Tarirai Mambo wedu Jesu Wauya memashoko


Wauya nemashoko Uyai muhwarare mose

Madzinza ose mukudzei Uyai muchitenda


Uyai muchitenda Muimbe nziyo dzeku denga

Chorus
Uyai-------------------------------------------------Uyai
Uyai Uyai Uyai Uyai Uyai
Uyai Uyai tihwarare kuna Mambo Uyai
HYMN 64
Padyo’ nemuchinjiko Ndipo ndino gara
Kuwombera imi Muponesi wangu

Padyo’ nemuchinjiko Ndino gara hangu


Mvura nemaropa Zvinobuda pano

Padyo’ nemuchinjiko Kune samba guru


Pano ndino piwa Mweya weupenyu

Padyo’ nemuchinjiko Pakanaka pano


Kusimbiswa ndimi Jesu Tenzi wangu

Chorus
Padyo Padyo’ nemuchinjiko wenyu
Kuno buda pano Mvura ye upenyu
HYMN 65
Uya Mweya unoera Uya mundiponese
Mune rudo nechisepe Muno ndipa upenyu
Ndinoziva rwiyo rwenyu Runoimbwa nengirozi
Ndinodisa Mweya wenyu Ndinoziva munondipa

Nemasimba enyu Mwari Tinopona nhasi uno


Nerubatsiro rwaMwari Ndinosvika kudenga
Jesu Kristu wakandida Ini handisakamuda
Ropa rake rakapiwa Kuti ndive neupenyu

Rudo rwenyu ndatambira Nyasha dzenyu dzeupenyu


Muviri yedu yakaneta Inodisa kusimbiswa
Tine nyatwa huru Mwari Munotibatsira kwazvo
Mwoyo wangu nggautorwe Muuite unoera
HYMN 66
Ndawona ropa rakanaka Rakanaka rakanaka
Ndawona ropa rakanaka Rinochenesa mwoyo

Vatadzi vano chenanaro Chenanaro chenanaro


Vatadzi vano chenanaro Vanozochena kwazvo

Yombavha yaka chenanaro Chenanaro chenanaro


Yombavha yaka chenanaro Ropa raMuponesi

Maropa enyu ane simba Ane samba ane samba


Maropa enyu ane simba Kuti chenesa tese

Kudenga tino imba nemi Nziyo dzenyu dzerufaro


Kudenga tino imba nemi Nziyo dzeruponeso

Chorus
Oropa raJesu (O ropa raJesu) Ndochena (Ndochena)
Ndochena kwazvo Zvakanaka zvangu naro
HYMN 67
Uya kuneni iwe une nhamo
Ndinozokupa Ruzororo kuno
Une urombo Nematambudziko
Ndokupa samba Nekufara kwazvo

Imba izhinji Dziriyo kudenga


Dzinozogarwa Nevakarurama
Iwe gadzira Kuendayo kudenga
Ini ndiriko Ndinokubatsira

Vanhu vazhinji vari pasi pano


Vachacheneswa Vachibarwa patsva
Asi vatsvene vanopinda chete
Uya kuneni Ndichakuchenesa
HYMN 68
Ndinouya nemashoko ehupenyu Mashoko erudo rukuru
Baba wedu wakatida zvikuru Anozonotiponesa tose

Ndinouya nemashoko ehupenyu Mashoko anotiponesa


Kuti Jesu vakafira vatadzi Nangisai kuna Jesu Kristu

Ungapone sei nemusi mukuru Musi unotongwa vanoera


Kuti uchiramba Jesu M’ponesi Iye anokuda zvakanaka

Chorus
Nangisai (Nangisai) kuna Jesu Anotiponesa tose
Avo vanotenda Jesu vanopona Nangisai kuna Jesu Kristu
HYMN 69
Kristu Tenzi wakamuka Ha le lu ya
Ingirozi dzinoimba Ha le lu ya
Vanhu vanopindurawo Ha le lu ya
Vese vachiimba pamwe Ha le lu ya

Jesu wakamuka mambo Ha le lu ya


Wakapedza basa rake Ha le lu ya
Wakakunda guva rake Ha le lu ya
Wakatikundira rufu Ha le lu ya

Guva harichina saimba Ha le lu ya


Dombo rakakunguruswa Ha le lu ya
Kristu wakabuda umo Ha le lu ya
Wakakwira kune denga Ha le lu ya
69 CONTINUED...………………………………………
Zvino tinotenda kwazvo Ha le lu ya
Kuti nesu tichamuka Ha le lu ya
Takasikwa kunge iye Ha le lu ya
Tinomutswa zvakadaro Ha le lu ya

Kristu Tenzi wakamuka Ha le lu ya


Wakakunda kufa kwake Ha le lu ya
Wakakwira denga rake Ha le lu ya
Anogara kuna Baba Ha le lu ya

Vanhu vese ngavaimbe Ha le lu ya


Ngavapururudze Mambo Ha le lu ya
Ndiye wakatiunzira Ha le lu ya
Ruponeso rwakanaka Ha le lu ya
HYMN 70
Mweya wakachena Chenesai mwoyo wangu
Dzingai zvitondero zvese Zvinondishatisa

Mweya wakachena Farisai mwoyo wangu


Nguva refu ndakatadza Handisakamuda

Mweya M’tsvene wedu Ndiitei munhu wenyu


Nditongei zvakanaka Muve Mambo wangu

Mweya wekupenya Vhenekerai mwoyo wangu


Dzinga rima rangu rese Kuti ndimuzive
HYMN 71
Hakuna mumwe kunga Jesu Kana nekudenga
Hakuna mumwe wakadaro Anotiponesa

NdiMambo wakatida kwazvo Nerudo rukuru


Zvino tainga takaraswa Akazotitsvaka

NdiTenzi wakatiudzira Kupa mbiri Mwari


Nekusarudza vashamwari Vane rudo chete

Chorus
Tinoda kuimbira Jesu Tichimupa mbiri
Nekuti hatizivi zita Rinokunda iri
HYMN 72
Ingirosi dzinoimba Dzinokuwa nekufara
Denga rese rinofara Mazambara azarurwa
Jesu Mambo wakauya Tenzi wevatendi vese

Jesu wakakwidzwa denga Anembiri yakakomba


Zvino Baba wake Mwari Matomupa simba rese
Honai ari pachigaro Jesu anotonga ega

Jesu wakakwidza denga Zvino watogadzwa Mambo


Anotonga nechisepe Mambo wedu wakanaka
Ngatimuimbire nziyo Ngatikudze zita rake

Chorus
Haleluya kuna Jesu Haleluya kuna Jesu
Haleluya kuna Jesu Haleluya kuna Jesu
Haleluya kuna Jesu Haleluya kuna Jesu
HYMN 73
Uya mweya wakachena Uya kwangu nhasi imi
Mune tsitsi dzakawanda Ndipei Mweya wenyu imi
Ndidzidzisei rwiyo rumwe Rwiyo rwengirozi dzenyu
Ndinofara ndaponeswa Ndizvo ndinomuimbira

Nerubatsiro rwaMwari Ndavapano zvino nhasi


Kuti ndichifadzwa imi Ndingasvika iro denga
Jesu wakanditsvakisa Handisakambo muziva
Akapira ropa rake Kuti ndive nehupenyu

Nyasha dzenyu ndogashira Misi yese yeupenyu


Mwoyo wangu wakaneta Unodisa kuponeswa
Unonyanya kutizira Kune uyo une nyatwa
Torai mwoyo wangu Baba Muite wakanaka
HYMN 74

Tora simba rake Jesu Nekutambudzika kwake


Kuno kupa simba guru Rekukunda zvinyangadzo

Tenzi ndiye Mambo wedu Tinopiwa simba ndiye


Tinokunda zvinyangadzo Nero zita rake Jesu

Une nyasha huru Jesu Tinonyararidzwa ndidzo


Ndizvo ngatidzikondere Kwese uko tinoenda

Chorus
Zita rake rakanaka Rinotipa kupenya
Zita rake rakanaka Rinotipa kupenya
HYMN 75
Tenzi handinangisi Upfumi hwepasi
Tinochema kupinda Kumusha kumusoro
Mumusha werufaro Uyo munogara
Mutiudze M’ponesi Kuti tichi vayo

Tenzi zvitema zvedu Zvakawanda sejecha


Asi neropa renyu Rino zvichenesa
Zvene nerudo rwenyu Rwekutiponesa
Kubva mukufa kwezvitema zvedu

Musha wakanakisa Dzimba dzekupenya


Nevanhu vane mbiri Nenguwo dzakachena
Hakuna zvakaipa Zvinopinda uno
Ngirozi dzino rinda Here tinowayo
HYMN 76
Ndiri murombo asi Ndachengetwa naMwari
Wandifukidza nguwo Anondipa zvokudya

Kana ndichiteura Anonzwa nguva dzese


Kana ndichikotsira haanakundisiya

Mubati wokudenga Wayiva m’rombo seni


Wakandi paradzira Ropa rakanakisa

Kana ndiri mubasa Anondikomborera


Kuzoti ndabva pano Ndichazorora naye

Zvino ndino mukudza Nokutenda kwaari


Uko kufara kwangu Ndachengetwa naMwari
HYMN 77

Tendai Baba Vekudenga


Mukovi vazvo Zviro zvese
Tendai imi Vakasikwa
Mugere pane Iri pasi

Tendai Imi Ingirozi


Dzigere kuna Baba wedu
Tendai Baba Murumbwana
Nekune Mweya WoMutsvene
HYMN 78
Baba wedu samasimba Taungana pano nhasi
Tiri kuda kupangana Nemabasa enyu nhasi
Isu wachengeto wavo

Tinomukumbira zano Rekutitungamira


Komborerai basa renyu Nekusimbisisa kwazvo
Tiri tore kune vanhu

Mwoyo yedu yazarurwa Kudzidziswa nemi Baba


Kuti basa redu rese Rive rakanaka kwazvo
Nekufadza imi Baba

Tisakanganweba nhasi kutondera nguva dzese


Kuti tive hama dzimwe Tina Baba mumwe basi
Na M’ponesi mumwe chete
HYMN 79
Nhasi ngatimutondere Uyo wakafira vese
Ari kudaidza vese Anovada zviro kwazvo

Zvimwe makafamba kure Kubva nzira yakanaka


Jesu anosunungura Kuti muchitendeuka

Jesu unodisa avo Vanochema nezvitadzo


Anovapa mwoyo mitsva Anoita vana vake

Chorus
Uyai zvino Uyai zvino Uyai zvino kuna Jesu
Musamire Uyai zvino Nguva yakanaka zvino
HYMN 80
Apo Jesu anouya Kutora varume
Anotora vakanaka Avo vano muda

Vanhu vake pasi pano Uyai kwaari


Anomuda zvino pano Nerudo rukuru

Ngatiyedze misi yose Kufadza M’ponesi


Kuti tizotorwa naye Kudenga kum’soro

Chorus
Vanhu vake vatsvene Vasina zvitema
Vano enda kudenga Kugara naJesu
HYMN 81
Munoita wani imi Muri kufirei vanhu
Mwari wenyu ndinomuda Ndinomuda vanhu vangu
Makasikwa neni mbune Nechisepe chinomuda
Uyai ndinomugashira Mune nzvimbo dzenyu kuno

Munoita wani imi Muri kufirei vanhu


Muponesi anobvunza Muri kundirasirei
Ndakamutambudzikira Kuti mese muponeswe
Zvino mandiramba nei Ndinomuda uyai henyu

Munoita wani imi Muri kufirei vanhu


Ndiri kudaidza imi Kuhupenyu hwekudenga
Pindukai vanhu imi Rasai zvakaipa zvese
Swederai kuna Jesu Munosunungurwa naye
HYMN 82

Tosangana paurwo rwizi Nengirozi dzekudenga


Rune mvura yakachena Tinoshamba mhosva dzedu

Tichafamba nekuimba Misi yese yeupenyu


Pamugano waro rwizi Rwakachena nekupenya

Chorus
Hunde tichazomuona Pauro rwizi rwakachena
Nayo mhuri yavatsvene Tichafara pachigaro
HYMN 83
Kune nyika kudenga raTenzi Nerutendo tichazoiona
Kune musha kudenga raMwari Nerutendo tichandougara

Apo tinozofara neweyo Tichiimba zviimbo naivo


Hatichazo chemeri vanofa Asi tinofarisa zvikuru

Tichazvipa zvitendo nembiri Kuna Baba naJesu kudenga


Toonana nehama dziriko Uko kune upenyu narini

Chorus
Kwakanaka ikoko kune musha waBaba kum’soro
Kwakanaka ikoko kune musha waBaba kum’soro
HYMN 84
Unoneta here hama Unotambudzika
Jesu wati ndino kupa Ruzororo

Unorambira kotambira Vanouya here


Kwese Jesu anodisa Vanhu vese

Kuti ndichimutevera Ndinopiwa iko


Simba rekukunda Satan Nguva dzese

Pakuguma kwe upenyu Ndino wane iko


Unogara nhaka naye Kune denga
HYMN 85
Panyika dziri kure Kuchando zviro kwazvo
Nenyika dziri padyo Kupisa basi basi
Panyika dzemakomo Nedzimwe dzemikana
Wanoti uyai hama Tinoda Mwari wenyu

MaKristu tiri pano Taziva ruponeso


Tonyima iwo here Hupenyu hwedu hutsva
Mashoko akanaka Ngatumwe kune vase
Dakara vanhu vese Vazive Mwari wedu

Mabasa edu tese Kugara zvakanaka


Nekubatsira avo Vasinga zive Mwari
Dakara Jesu Kristu Adzike zvekudenga
Kutonga vanhu vese Kuitan vanhu vedu
HYMN 86
Ndanzwa izwi renyu Richindi shovedza
Rishambidze nemaropa Abva pamuchinjiko

Ndiri akaneta Ndinoshaya simba


Mune simba guru kwazvo Rekundishambidza

Ndinoda masimba Ekuchenesa ini


Ndinoda chipo chaTenzi Simba reUtsvene

Chorus
Ndouya Tenzi Kwamuri Tenzi
Shambidzai ini Tenzi Nemaropa enyu
HYMN 87
Uyai nyamusi vanhu vepasi Madanwa zvino ndiTenzi m’ponesi
Ari pakati pedu nesimba Wati uyai mese

Regai vacheche kuti vauye Ngavafarise nyamusi mumwoyo


Ngavasarure mwana waMwari saM’ponesi wavo

Uyai vabari musazogare sanganai nesu tifare pamwepo


Ngatimukudze mwana waMwari Uyai zvino pano

Chorus
Zvakanaka kuenda kumusoro Kusangana navo vekudenga
Pamwe naJesu Kristu M’ponesi kugara navo iyo
HYMN 88
Ndakarasika kubva kumusha Zvino ndouya
Nzira yangu ine chitadzo Tenzi ndouya

Ndaparadza makore angu Zvino ndouya


Ndapoinduka zvitadzo zvangu Tenzi ndouya

Mweya wangu une kurwara Zvino ndouya


Rudo rwangu ndidzorerei Tenzi ndouya

Chorus
Ndouya kumusha Ndapfidza zvivi
Zarurai maoko enyu Tenzi ndouya
HYMN 89

Upenyu hwangu ndinohupa Kuna ‘ye anondida


Pane rwendo kune denga Ngandi fambe nemi

Handinamate nenyore Handinamate naite


Nekuedza kwangu ndiitei ndifambe nemi

Mundi tungamire Tenzi Mundi bidze ‘kumhiri


Ndosvika pazambata Ndibidze kumhiri

Chorus
Ndomugarira imi Tenzi Ndinofara imi zve
Makafira kundiponesa zve Ndinomuda zve
HYMN 90
Ndomutevera Tenzi Jesu (dzokerera)
Makandifira pamuchinjiko Imi muripo wezvitema

Ndomutevera Tenzi Jesu (dzokerera)


Ndakashambidzwa nero neropa Rakaerera pamuchinjiko

Ndomutevera Tenzi Jesu (dzokerera)


Makandibvisa mune pfumvu Umo ndakange ndiri kufa

Chorus
Jesu Tenzi muri Ishe Makauya pasi pano
Toponeswa nekutenda Ndimi Jesu mambo wedu
HYMN 91
Jesu muri nzira yedu Mambo wevaMambo
Tiri pano kuponeswa Kune mhosva dzedu dzese

Imi tsime rekupona Muri tsime rematsime


Tinodisa mvura yenyu Tiponeswe mhosva dzedu

Nhasi tinokudza Jesu Jesu Mwari Tenzi wedu


Toteura nekutenda pamazuva edu ese

Jesu Tenzi muri Ishe Makauya pasi pano


Toponeswa nekutenda ndimi Jesu Mambo wedu

Chorus
Jesu Tenzi muri Ishe Makauya pasi pano
Toponeswa nekutenda ndimi Jesu Mambo wedu
HYMN 92

Baba mune simba rese Ini ndine nungo


Kana mandisiya ini Ndinga endepiko

Makatuma nhumwa yenyu Kutitiziviswe


Makatipa muponesi Wakafira vose

Jesu ndiye mushongedzwi Ane mbiri huru


Wakafira pam’chinjiko Kuponesa vose

Chorus
Ndinotenda Ndinotenda Jesu wakandida
Ropa rake rakakomba Rine simba guru
HYMN 93

Ndanzwa Tenzi wandidana


Ndinomupa mwoyo wangu
Ndinoita kuda kwake (dzokerera)
Ndinodzidza nzira yake
Ndinodisa izwi rake

(dzokerera) Ndochimutevera misi yose


HYMN 94

Isu vatendi tinofara Kufunga basa rake


Rakaitwa pasi pano Rinoshamisa vanhu

Isu vatendi tinofara Kuva neshoko rake


Nekutaura kunaiye Mune izvo zvatinoda

Jesu rufaro rwedu rwese Nemupi weupenyu


Tingadiyi tisiyane Tingaponeswe seyi
HYMN 95

Kana nhamo zhinji dzokukomba


Iwe uchityawo kuparadzwa
Rava zvose zvawakambopihwa
Uchaona zvawakaitirwa

Funga zvose funga zvose Zvaakaita rava zvose


Funga funga zvose zvaakaita
Rava rava zvose
Chiverenga uchazokanuka zvawakapiwa

Chorus
Rava zvose zvakakupa
Rava rava zvose zvaakakupa
HYMN 96
Kana Jesu achidzoka Achaunganidza mabwe
Ose anokosha anobwinya sei

Uchashara ,uchashara Aise kudenga


Mabwe ose akanaka Anobwinya sei

Vanhu vose,vana vose Vanoda She Jesu


Ndiwo mabwe akanaka Anobwinya sei

Chorus
Sechiyedza chezuva
Anovaima zvikuru
Pakorona anobwinya sei
HYMN 97
Ndinomuchema muponesi wangu Ishe wangu, Jesu makandida se-i
Zvandaremerwa nemangava angu Nenyasha yenyu ndaiona ne-i
Hakuna umwe ungandiponesa Ndikaponeswa nounyoro hwenyu
Wandinoziva Nokuda kwenyu

Saka ndauya zvino mberi kwenyu Ishe ndibatei noruoko rwenyu


Zvandinosinzwa riya shoko renyu Mundichengete ini Mwana wenyu
Rinotiudza zvamatiitira Mupinde, ndamuzarurira mwoyo
Muchitifira Jesu Ishe wangu

Makandifira, ini ndakatadza


Ndakamunetsa ini mandifadza
Ndakamuramba, imi
makanditsvaka
She wakanaka
HYMN 98
Denga rakanaka sei kunopirwa Ishe uko
Nyika yakanaka sei nyangwe iine nhamo wo
Mwoyo wangu woda sei vanotenda kunemi
Unoshuva imi Ishe ndimi mune nyasha zve

Shiri dzinofara sei Dzichibhururuka’mo


Vanofarisisa sei Vanozorodzwa naShe wo
Sechinjiva chiya zve Chakapinda areka
Vanositizira wo KwaShe vagovandako

Vanosingovonga She Nyangwe nhamo iri’po


Mvura inobva pabwe Manna vanopihwa wo
Vowedzera simba DzwaNyasha wo unovapa
Pavandomukudza’po

Baba chindibatsirai Ino nyika yakadai


Ndichengete perekai Nyasha yenyu chindipai
Zuva nhovo ndimi Ishe Chibetsero mundipe
Mwoyo wangu chizorai Nyasha tsitsi burutsai
HYMN 99
Garai neni Usiku hwasvika
Dima rauya Tenzi garai neni
Vamwe vabatsiri Vandisiya
Imi mubatsiri Garai neni

Ndinomuda Imi nguva dzose


Netsitsi dzenyu Dzamakandipa
Ndiani uyo Ungafana Ishe
Mukutambudzika Garai neni

Handitye mhandu Imi muripo


Nhamo yenyika Haindi kundi
Ruripi rufu Harundikundi
Ndino pururudza Garai neni
HYMN 100
Pamuchinjiko PaKalvari
Ndinoona m’chinda uyu Wekudenga
Wakazvipira Pam’sana pangu
Mwari waka ndiwonera Rudo rwake

Musandirege Mufiri wangu


Kuti ndizvikudze asi Ndimukudze
Zviro zvepasi Nepfuma yazvo
Ndinoshora izvo zvino Rwadza imi

Wonai musoro WaTenzi wangu


Nemaoko nemakumbo Nerutivi
Anoyerera Maropa ake
Rudo runondishamisa Ndinotenda

Ndinomupei Nerudo rwenyu


Kana ndine pfuma dzese Handikwane
Torai upenyu M’ponesi wangu
Torai mwoyo wangu tora Zvese zvangu
HYMN 101
Ndinofara kuti Baba wedu Tenzi nerudo rwake rukuru
Parugwaro rwake rwakanaka Wakandiudza Jesu wandida

Kana ndichimukanganwa iye Asi anongondi yeuchidza


Zvino kwaari ndinodzokera Ndofunga kuti Jesu wandida

Jesu anondida ini kwazvo Kuti wandipa hupenyu hwake


Kutadza kwangu wakandifira Ndoziva kuti Jesu wandida

Mwoyo wangu una muyamuri Ndinotenda Jesu munuri


Zvino ndinogomubatirira Nokuti ndanzwa Jesu wandida

Chorus
Ndinofara Jesu wandida Anondida anondida
Ndinofara Jesu wandida Ini anondida
HYMN 102
Nditungamire Baba Nditungamirei kwadi
Ndinofara ndiri wenyu Ndinomuda nguva dzese

Muri bako rakanaka Mumatambudziko ese


Ndachengetwa ndiri wenyu Ndinokoya rudo rwenyu

Tenzi nditungamirei Misi yese yeupenyu


Kune nyika yekudenga Kune musha wakanaka

Chorus
Baba Baba nditungamirirei nhasi
Kuti ndisasiye nzira Nditungamirirei Baba
HYMN 103
Zvakanaka kuva pano Murufaro rwake Jesu
Nekudzidza nzira yedu Paupenyu hwese

Zvakanaka kuva pano Kudzidzira ivangeri


Nekukura misi yose Muhupenyu hwedu

Zvakanaka kuva pano Tichiimba norukudzo


Kuti ati komborere Pahupenyu hwedu

Chorus
Ngatifambe muhupenyu Muhupenyu hwake Jesu
Ngatifambe zvakanaka Muhupenyu hwake
HYMN 104
Kune rwizi rwekushamba Mwoyo yese inorwara
Ropa rake Jesu Kristu Rine simba kuchenesa
Rine simba kuchenesa Rine simba kuchenesa
Ropa rake Jesu Kristu Rine simba kuchenesa

Iyo mbavha yakafara Kuona urwo rwizi


Neni ndinofadzwa naro Kushamba mwoyo wangu
Kushamba mwoyo wangu Kushamba mwoyo wangu
Neni ndinofadzwa naro Kushamba mwoyo wangu

Ropa renyu Jesu Kristu Rine simba kundirapa


Nekutapa vese vese Vanotenda nekumuda
Vanotenda nekumuda Vanotenda nekumuda
Nekurapa vese vese Vanotenda nekumuda
HYMN 105

Vabari vedu vekutanga Vakatadza kwazvo


Kutadza kwazvo kwakaunza Rufu kune vese

Ndizvozvo tese taraswa Kune rufu rwedu


Hakuna umwe wakanaka Tese takatadza

Musiki wedu wakaita tsitsi kune vese


Wakapa Kristu kuponesa Vose vanomuda

Chorus
Jesu wakandida Jesu wakakufira
M’ponesi wakafira vese Tinokomborerwa
HYMN 106

Chinyarara mwoyo wangu Jesu ndiye Mwari


Zviro zvese zviri pasi Zvakasikwa naye

Chinyarara mwoyo wangu Una Mambo kwaye


Unotenda kuna Mwari Tenda kuna Jesu

Chinyarara mwoyo wangu Jesu unovaka


Imba yako yakanaka Kune denga rake

Chorus
Kristu uyai Kristu uyai
Hunde uyai Jesu
HYMN 107
Hama dzangu ngatiimbe nhasi Neruponeso rwedu
Mwari wakauya pasi pano

Farai zvino mune simba hama Neruponeso rwedu


Pakudenga tichafara kwazvo

Nemi munotambudzika farai Neruponesi rwedu


Kuti muchiedza munokunda

Chorus
Neruponesi rwedu Neruponesi rwedu
Ndizvo ngatifare zvikuru Neruponesi rwedu
HYMN 108
Ndoimbira Mununuri Nerwo rudo Chorus
rwakakomba Ndino fara Kumukudza
Wakaroverwa pamuti Kuti vese Ndino fara kumukudza
vaponeswe Ndino fara kumukudza

Ndoimbira Mununuri Nedzo nyasha Uyo waka Ndinunura


ndakaona Uyo waka ndinunura Uyo
Zvino ndiri wake Jesu uyo waka ndinunura
wakandinunudza
Pam’chinjiko wakafira
Ndoimbira Mununuri Nero simba rake Pam’chinjiko wakafira
guru Pam’chinjiko wakafira
Wakakunda kufa kwake Wakamutswa
zve mukufa
Kuponesa vakasungwa
Kuponesa vakasungwa
Kuponesa vakasungwa
HYMN 109

Imi mose muri pasi Imbai kuna Jehovah


Kurumbidzai mutende Uyai norufaro kwaari

Tinoziva kuti Jehovah Ndiye Mwari wechokwadi


Tiri boka rehwai dzake Anotipa kudya kwedu

Pindai suwo guru rake Muswedere kuna Mambo


Simudzai mazwi enyu Makafanira kudaro

Ndiye Mwari wakanaka Tsitsi dzake dzakakomba


Rudo nechokwadi chake Hachingatiupinde isu
HYMN 110
Satani wakambondiyedza akambonditora
Zvino handi mushandire asi Jesu Kristu
Zvino ndiye Tenzi wangu nekusingapere
Ndanga ndiri kufa ini zvino ndamupenyu

Kare ndanga ndakasungwa ndiye munyengedzi


Ndaka putsikira pasi mumataka ake
Haasakandibatsira wakazvifarira
Ndanga ndiri kufa ini zvino ndamupenyu

Ndakambonga ndakasungwa nezvitadzo kare


Ndakabatwa asi zvino ndazosununguka
Ndazoona ruponeso rwakanaka kwazvo
Ndanga ndiri kufa ini zvino ndamupenyu
HYMN 111
Zvikomborero kunemi Izvi chitsidzo chaMwari
Tichazopiwa masimba Tichazokura mumweya

Zvikomborero Zvitsvene Zvinochenesa mumwoyo


Zvinppfumisa varombo Zvinosimbisa varwere

Zvikomborero ZvaMwari Zvinotivisa mapenzi


Zvino tivisa vaziwi Zvinonakidza zvikuru

Chorus
Zvikomborero Zvikomborero zvizhinji (zvizhinji)
Zvikomborero tinazvo Zvikomborero zvaMwari
HYMN 112
Wakanaka uyo musi uyo Ndakasunungurwa
Rufaro rwangu rwakakura Zvino runondifadza

Chisungo chakanaka kwazvo Chinosunga Baba neni


Hakuna chiro pasi pano Chinofadza zvakadai

Yakazoripwa mhosva yangu Ndave vake naye wangu


NdiBaba wakandidaidza Ndikauya nekufara

Nyamusi ndinotaura kuti Ndasunungurwa naye


Nemwoyo wakabarwa patsva Mweya mutsvene ari neni

Chorus
Wakanaka uyo musi wandakasunungurwa naye
Wakanaka zviro kwazvo Baba wakandidaidza
HYMN 113
Zvangu zvese ndezva Jesu Mweya nemuviri zvese
Zvitondero nezviito nguva nemazuva ese
Ndezva Jesu ndezva Jesu nguva nemazuva ese
Ndezva Jesu ndezva Jesu nguva nemazuva ese

Nemaoko angu ese Ngaamushumire Tenzi


Nemakumbo angu aya Ngaamutizire Tenzi
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaamutizire iye
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaamutizire iye

Nemaziso angu ese Ngaaone muponesi


Nerurimi ngaruite Rukudziso rwake Jesu
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaazvikudze muponesi
Ndezva Jesu ndezva Jesu ngaazvikudze muponesi
HYMN 114

Ndiri munhu wenyu Jesu makandipa ruponeso


Ndakasiya kushaisha kumuteerera imi

Ndinogara nemi Jesu ndigwinyisei ndimi Jesu


Mune simba kuponesa mungaita mwoyo m’chena

Ndinotenda Mambo Jesu mazwi enyu ese ese


Ndinoenda kune denga musha wenyu Tenzi wangu

Chorus
Ndiri munhu wenyu Jesu makandipa simba renyu
Makandiitira nyasha Mambo wangu Tenzi Kristu
HYMN 115
Jesu muri rudo diko Makadzidza pasi pese
Mwari mune mwoyo m’chena Munodisa vanhu vese
Tinomukumbira Baba Mweya wakachena dzikai

Nekukungura isu Tanga tiri varasiki


Hamutsari wekudisa Asi munovada vese
Pindai mune mwoyo yedu Taizarurira imi

Takadiwa zvirokwazvo Muumambo hwenyuwo


Zvino tinomukumbira Bvisai zvese zvakaipa
Pindai garai umo nhasi Nekusingaperi peri

Zvino basa redu pano Ndere kuonesa rudo


Nharo shungu kuba nhema kuti tifanane nemi
Toda kuva vanhu venyu
HYMN 116
Kwese ndinoenda ndina Jesu Kristu
Ndino tungamirwa ndiye misi yese
Ndine runyararo kwese ndinoenda
Ndizvo ndinotenda iye nekumuda

Kwese ndinogara ndina Jesu Kristu


Ndinokomborerwa ndiye muupenyu
Kana nepakufa ndichatorwa ndiye
Jesu ndiye anogutsa mwoyo wangu

Kwese ndinofamba ndina Jesu Kristu


Ndiye anondibatsira nguva dzose
Ndinokunda ndiye matambudzo ese
Nguva dzese ndinoenda naiye ‘yo

Chorus
Nguva dzese kwese kwese ndinosimbiswa
Kwese ndina Jesu ndino farayo
HYMN 117

Rukuru ruponeso RwaTenzi wekudenga


Rwatendwa nezvikuru ruchibva pakudenga

Rukuru ruponeso Rwe avo vakaipa


Hakuna anorambwa Kana aipa sei

Rukuru ruponeso Rwabvisa zvakaipa


Nemhosva nekutadza nekufa pane moto
HYMN 118
Apo ndatambudzika Nezvakaipa zvangu
Nezvirunziro zvangu Ndinzwei Baba wangu

O Baba samasimba Ndipei simba renyu


Nekuti ndinoshaya Kugara zvakanaka

Parwendo rwehupenyu Nditongei nguva dzese


Mudenda rakaipa Ndichengeteyi Baba

Chorus
Ndicherechedzei Baba Ndicherechedzei Baba
Ndicherechedzei Baba Ndicherechedzei Baba we
HYMN 119

Pane nzvimbo yakanaka Padyo naBaba wedu


Mweya ine ruzororo Padyo naBaba wedu

Pane nzvimbo yemufaro Padyo naBaba wedu


Tina Jesu Kristu apo padyo naBaba wedu

Zvinyangadzo hazvigare Padyo naBaba wedu


Asi zviro zvakanaka Padyo naBaba wedu

Chorus
O Jesu mununuri makatumwa pasi pano
Muti swededze isu padyo naBaba wedu
HYMN 120
Ndine hama yakanaka Iyo ine simba guru
Inondida zviro kwazvo Inondipa simba rayo

Ndina Baba wakanaka Anondida nguva dzese


Anondipa zviro zvese Izvo zvakandinakira

Ndina muponesi wangu Anogara kune denga


Anondiunzira zvese Zvakanyanya zveupenyu

Chorus
Ndine hama yakanaka (ndine hama yakanaka)
Ine simba kuchenesa (ine simba kuchenesa)
Ine simba kuponesa (ine samba kuponesa)
Ndinofara kuwanayo (ndinofara kuwanayo)
HYMN 121

Jesu ari kudaidza mwoyo yese inorwara


Misi yose tinomunzwa wati mwana nditevere

Jesu ari kudaidza vakomana nemhandara


Kuti wamudise Jesu wati hama nditevere

Jesu ari kudaidza vadzimai nechembere


Kuti wamudise Jesu wati mai nditevere

Jesu ari kudaidza vadzibaba neharahwa


Kuti wamudise Jesu wati baba nditevere
HYMN 122
Baba wangu ndinodisa Kuva wakadai ndimi
Ndinodisa mweya wenyu Kuti uchizara neni

Baba ndinodisa kwazvo Rutendeso rwakanaka


Kuti ndinotenda imi Nguva dzangu dzese dzese

Baba ndinodisa kwazvo Rutendeso rwakapiwa


Kuwonesa kune vamwe Kuti tinodana sei

Chorus
Munoziva nungo dzangu Munoziva zvirokwazvo
Ndiri kukumbira zvino Munondipindurawo
HYMN 123
Mwari wangu ndipfuweyi Kuti ndibve mukuipa
Ndipei zano rakanaka Rekuita munhu kwaye

Kuti ndoda kupumhuka Kubva nzira yenyu Baba


Nyasha dzenyu ngadziuye Ndipingirwe padyo nemi

Apo ndine dambudziko Kana rufu ruchiuya


Ndipeiwo rudo rwenyu Runodzinga kutya kwese

Chorus
Ndisimbise zviro kwazvoNdichigere pasi pano
Ndipei mwoyo wakanaka Ndozosvika kumusoro
HYMN 124
Jesu wanditungamira Ndan ga ndiri mune rima
Ndakaiswa mukupenya Neshamwari dzakanaka
Ndikadzidza kuteura KunaBaba naM’ponesi
Akandipa mwoyo mutsva Nenduramo yakanaka

Jesu wanditungamira Nguva dzese dzeupenyu


Ndozopiwa zvakanaka Kusarura zvakanaka
Nekuita mwoyo chena Kuna vano vanotambudzika
Zvino ndinotenda kuti Jesu wanditungamira

Jesu wanditungamira Nekufadza mwoyo wangu


Tsitsi dzake dzakanaka Zvipo zvake zvakanaka
Ndikaneta nekufamba Kana mweya une nyota
Inobuda pane nzira Tsime yemufaro iyo
HYMN 125
Runyararo nyika yechitema
Ropa raJesu rinotiponesa

Runyararo neurombo kwese


Rudo raJesu izororo redu

Runyararo kuva diwa vese


Diti raJesu kune runyararo

Runyararo hatizivi mberi


Kunaye Jesu angatiponesa

Runyararo rufu rwuri kwese


Jesu mambo akarukunda
HYMN 126
Fambaiwo majoni A Mwari wedu imi
Musatye mhandu dzenyu Hadzina simba kwete
Tinozo kunda kwazvo Panyika kwese kwese
Masimba ake Jesu Haachazokundwiba

Fambaiwo vatendi VaMwari wedu imi


Hamuna simba mega Musazvikudze zvenyu
Mupfeke nhumbi dzese dzaMwari wakanaka
Muende kune basa Muite vanhu imi

Fambaiwo vatsvene Munyika dzese dzese


Mushumairi izwi raJesu Tenzi wedu
Mukundi uchapiwa Chiremba chehupenyu
Anozo wana Jesu Atonge naye iyo
HYMN 127
Ngatiende vadikani Kune munda wake Tenzi
Unodiwa vekurima Ndisamunda wadaidza

Jesu wait kuna Pita Chitevera shure kwangu


Jesu Tenzi watiudza Endai kune pasi pese

Zvino rava jana redu Rekutora iri shoko


Kuna ivo vari kure Vasingamuzive Tenzi

Chorus
Kasikai kuendayo Kune zunde rake Mambo
Endaiyo endaiyo Kune zunde rake Mambo
HYMN 128
Ndakabarwa mune dima Rekusaiziva Mwari
Ndikaita muitiro Yakashata zviro kwazvo
Asi kwakauya mumwe Nemashoko akanaka
Kuti Jesu wakafira Kuponesa vanyangadzi

Ndinochema Tenzi wangu Nezvitema zvandaita


Kukuwadza mwoyo wangu Mune mweya weupenyu
Asi ndakatendeuka Ndika bvuma zvakaipa
Ndikasiya zvinyangadzo Ndikateerera Jesu

Chorus
Zvino mwoyo unofara Ndaponeswa misi yese
Nzira dzangu dzondoita Dzinofadza Tenzi wangu
HYMN 129

Uyai mose mune nyota Mumwoyo menyu mururame


Baba anopa mvura yake Kupedza mose nyota yenyu

Vazvarwa tiri kukumbira Uyai tose titeure


Tipiwe mvura inogara Inobva kuna Tenzi wedu

Jehova vedu mururami Hapana umwe akadaro


Ngatimukudze timutende Nekuti takasikwa naye
HYMN 130
Ndofamba kune mumwe musha Kudenga iro
Kumusha kwam’ponesi wedu Kum’soro kuna Baba

Ndaneta nekutadza hama Ndinoda Mwari


Nomwoyo wangu unosuwa Nenzvimbo yangu iyo

Ndi Jesu wakaenda kare KwaBaba vake


Kondivakira imba yangu Yakanakisa kwazvo

Handityi rufu rwangu hama Ndinozo muka


Ndinozo wona Mambo wangu Ndiye mukuru iye

Chorus
Ngatiende hama dzangu Kune musha uyo
Tofara naM’ponesi wedu Tive vatsvene tose
HYMN 131
Ungasununguke pakuipa Simba muropa wosimbiswa
Unoda kukunda chakaipa Ropa rinokusimbisa

Ungasununguke pane hasha Simba muropa wosimbiswa


Chiuya ushambidzwe muropa Ropa rinokusimbisa

Ungacheneswe cheneswe kwazvo Simba muropa wosimbiswa


Maropa orasa manyangadzo Ropa rinokusimbisa

Chorus
Nesimbazve Rinoshamisa muropa (muropa) reGwayana
(reGwayana)
Nesimbazve Rinoshamisa muropa reGwayana
HYMN 132
Mwari wakaudza izvo unokusa
Ndizvo unocheka ndizvo unopiwa
Ndizvo tisaite zviro tisingafunge
Zvatichazvicheka izvo tinoita

Izvo unowana unokusa mbeu


Kuti zvakanaka ndizvo unocheka
Izvo zveunonzwa unokusha mbeu
Kuti zvakashata ndizvo unocheka

Izvo unowana unokusa mbeu


Kuti zvakanaka ndizvo unocheka
Izvo unoita unokusa mbeu
Kuti zvakashata ndizvo unocheka
132 CONTINUED……………………………

Izvo unowana ndizvo unocheka


Izvo unokusa ndizvo unocheka
Ndizvo ngatikuse mbeu dzakanaka
Kuti tizogara mumba dzekudenga

Chorus
Izvo unokusa ndizvo unocheka
(Izvo unokusa ndizvo unocheka)
Ndizvo ngatikuse Mbeu dzakanaka
(Kuti tizogara mumba dzekudenga
HYMN 133

Ukama hweuKristu Chisungo chakanaka


Nekuti tinodana kwazvo Takasungwa pamwe

Pamwepo toteura Pamwepo tinochema


Pamwepo tinobatsirana Tichafarisana

Tosuwa zvikuru Nekupandana kwedu


Nenyasha tichazowonana Nemumwewo musi
HYMN 134
Mweya wangu una Muponesi Ndakasunungurwa
Musununguri ngandinangiswe Ndichagamuchira isu

Nengoni ndichagam’chira tsitsi Rudo rwake Kristu


Waukunda mwoyo wangu kwazvo Ndichavimba newe

Unoziva kusasimba kwangu Ndotya kurasika


Asi iwe uri simba rangu Unondipa simba

Kwakauya vamwe vachibvunza Tingapone here


Hongu ndinoda muponesi we Nesu tinodawo

Chorus
Ndoda(Ndoda)Ndoda(Ndoda) Ndoda Mwari muyamuri uri wangu
Ndakatengwa neropa raIshe Ndava wake chose
HYMN 135
Nditungamire Jehova Ndiri mufambi Ishe
Une simba ini handina Ndashaya simba ini
O M’ponesi O M’ponesi Ndiwe inhowo yangu(yangu)

Iri tsime roruponeso Razarurirwa ini


Ngariyerere ndipone Rishambe zvakaipa
O M’ponesi O M’ponesi Iwe ndosimba newe(newe)

Kuti ndasvika Jordani Chibvisa kutya kwangu


Ndiperekedze ndouya Chindichengeta ini
O M’ponesi O M’ponesi Iwe ndosimba newe(newe)

Ndiwe inhowo yangu


HYMN 136
Nhasi ndinofara ini Nairo ropa rangu
Vashamwari munodini Ngatifare neniwo
Ishe ndinokurumbidza Iwe wandidzidzisa
Ndigogona kuakunda ose Magwaro angu

Kana ndiri muchikoro Zvakanaka kwandiri


Kana ndapinda musvondo Ndinofara zvikuru
Ishe ndinokurumbidza Iwe wandidzidzisa
Ndigogona kuakunda ose Magwaro angu

Kune ino nyika yedu Magwaro hatizivi


Vavagere vadzibaba Rufaro vasina rwo
Ishe ndinokurumbidza Iwe wandidzidzisa
Ndigogona kuakunda ose Magwaro angu
HYMN 137
Ngatibereke mapudzi Ayo O Mweya Mutsvene
Wounhu nokururama nduramo Nemwoyo chena
Izvo zvose zvo rutendo Nezvo rudo norufaro

Izvo zvinhu ngazvikure Mumwoyo nenguva dzose


Zvindiyamure ndidzure kose Uku kumanikwa
Kousvinu nokwe tsino Nokwe zvinhu zvinobvako

Hongu Ishe nganditongwe Ndiwevo unobereka


Ndivavarire kuwana zvosezvo Zvakarurama
Zvigorega kuzorambwa Hwose unhu nadzo tsika
HYMN 138

Pakudenga kuna Baba Kwakanaka kwazvo


Pakudenga kuna Baba Kwakafara kwazvo
Hakupindi chakaipa Kana chiri chimwe
Hakupinde zvokurwara Nechirwere chimwe

Vakawona musha wavo Musha wakagara


Vakawona noupenyu Usingapfuure
Ndiri mweni pane nyika Ndinosuwa denga
Ngandipinde newe Jesu Ndiende kudenga
HYMN 139
Mumwe ariko pam’soro Anotida
Rudo rwake rwakakomba Anotida
Hama dzedu dzinotiza Dzimwe dzino titambudza
Haana kutinyengerera Anotida

Kumuziva ndoupenyu Anotida


Wakatipa zvinhu zose Anotida
Tanga tiri kure naye Wakatitenga neropa
Wakatiisa padenga Anotida

Jesu ndiShamwari wedu Anotida


Anoda kuti fadzisa Anotida
Mwoyo yedu inomuda Yoda kushevedzwa naye
Zviro kwazvo nechokwadi Anotida
HYMN 140
Zuva riri kudoka pasi rinozirora
Namata nekutenda usiku hunouya tinorara

Tenzi weupenyuwo wezvese pasi pano


Mutiwunganidze’su mumawoko’wo enyu muri pedyo

Apo dima rasvika werudo tichengete


Mwoyo yedu ikwire pamberi penyenyedzi apo muri

Kuti apo nguva’yo inopera pasi’po


Tenzi mutibvumire tichapinda kumusha wekudenga

Chorus
Yera Yera Tenzi Mwari
Denga rese nepasi zvese Zvazara nemi Tenzi Mwari
HYMN 141
Ivai nenguva Yekuponeswa
Taurai naTenzi munozogutswa
Ne izwiro rake Uzadze mwoyo
Tsvaka kuna iye chikomborero

Ivai nenguva yekuponeswa


Ivai nenguva naJesu ega
Nekumunangisa kufanana’ye
Vese vachawona Jesu kunewe

Ivai nenguva yekuponeswa


Musaende mberi asi teverai
Jesu muponesi atungamira
Ndizvo muBhaibheri muno simbisa

Ivai nenguva yekuponeswa


Zvese zvezvifungo zvamunoita
Zvinotungamirwa ndiJesu Kristu
Zvemunogadzirwa umambo wedu
HYMN 142
Honai musha Kure uko!
Vose vvanofara Varikoko
Rudo rukuru Nomufaro uriko
Hakune nhamo Kure uko

Pindai mose Chimbidzai


Nameso ose Tarisisai
Teverai nzira Iyo inokwira’ko
Uko kudenga Tsungirirai

Vari kum’soro Vofadzwa ko


PanaIshe Jesu Vonatswa’po
Vakatambura Pano pasi vachirwa
Vachaigirwa Pfuma uko!
HYMN 143

Kuita basa rake pano Kusi kuda kwedu


Kumufunga misi yese Kunotibatsira

Kufamba mune nzira iyo Jesu akafamba


Kuda zviro zvese zvake Kunotibatsira

Kuita rudo kune vese Kunga iye Jesu


Kunzwa inzwi rake dzvene Kunotibatsira
HYMN 144

Mweya Mutsvene waMwari gara muno mumba


Buruka zvino nesimba Uya Mweya uya

Uya Mweya kufanana Kupenya kwezuva


Vhenekera mwoyo yedu Wonesa kuipa

Mweya Mutsvene waMwari tarasika isu


Buruka zvino nesimba Uya Mweya uya
HYMN 145
Baba tinouya munotibatsira
Kumwezve hakuna tingaende
Pasi pane dima imi musipo’ba
Munotinyaradza tichengete

Munotiponesa kune zvakaipa


Mumwoyo mutipe kuzorora
Hatina masimba mutipe kushinga
Ruoko rwesimba tinobata

Mutipewo mutsa wenyu tinoziva


Kuti tinozova muchitema
Mutitungamire dakara tisvike
Kumusha mutsvene tinogara

Chorus
Baba tinouya Tinoshaya
Munotibatsira Munotinzwa
HYMN 146

Watakura kuipa Jesu kusi Kuipa kwako


Ukaripa mhosva Jesu Isi mhosva yako

Waive munhu ine ngoni Usatadze iwe


Raparara ropa rako Wakanaka

Kusatenda kedu kwese Kwakanyorwa


Nezvitadzo zvedu zvese Zvakanyorwa newe
HYMN 147
Mwari watichengeta Pairi vhiki rese
Nhasi tiri Kutsvaka chikomborero chake
Svondo rakanaka kupinda Rimwe zuva
Svondo rakanaka kupinda Rimwe zuva

Tiri kutsvaka mutsa Nezita rake Jesu


Towuya kubatsirwa Bvisa zvitema zvedu
Tinonamata nhasi Zuva rake Tenzi
Tinonamata nhasi Zuva rake Tenzi

Ndizvo masvondo ose Angadaro kunesu


Tichabatsirwa nawo Kunaka muhupenyu
Dakara tichatorwa Kuna Jesu kudenga
Dakara tichatorwa Kuna Jesu kudenga
HYMN 148
Ndouya kum’chinjiko Ubofu neurombo
Handidi chimwe chiro Asi ruponeso’ro

Jesu ndokuchemera Mwoyo wangu waipa


Jesu’ye wataura Ndinozo kuchenura

Ndapa zvese kunemi Zviro zvese zvepasi


Mwoyo zve nemuviri Uve wenyu narini

Jesu uri kuuya Mwoyo wangu wazara


Zvino ndachenurwa Mbiri kuna Jehova

Chorus
Ndosimbira kunemi Nyenye yepa Kalvari
Ndinopfugama pasi Mundiponese ini
HYMN 149
Apo runyararo runondifadza Kurumudzai musi wenyu Tenzi
Kana urombo ndinahwo Makore achazopetwa
Kana muzvese makandidzidzisa Tsuri inorira Tenzi adzika
Kunaka nemwoyo Wangu’wo Zvadaro nemwoyo kwakanaka

Kana Satani anditambudza Chorus


Ndichasimbira kunemi Kwakanaka Nemwoyo
Jesu unoziva kwangu kushaya (kwakanaka) (Nemwoyo)
Wakandifira’po pamuti Kwakanaka nemwoyo wangu’wo

Ndinofara nekutondera kuti


Zvitema zvangu zvesezvo
Zvapera pamuchinjiko zvapera
Ndatenda nemwoyo Jesu’yo
HYMN 150

Kana ndawona m’chinjikwa Pawakafira Kristu Ishe


Handina chinhu chakanaka Ndazvishora’wo nako kose

Ndirambidze kuzvikudza Kunze kwekufa kwaIshe


Zvinhu zvinondiyevedza Ndinozvipira muropa

Tarrisai uso hwake Zvanza zvake nedzo tsoka


Rudo runodaro rwaIshe Runotitambudzikira
HYMN 151

Sezvo ndakadai Jesu Ndisine chinhu pachangu


Wakafira m’toro wangu Gwayana raShe ndouya

Sezvo ndakadai Jesu Ndisingambo zviponesa


Iwe wega ndishambidze Gwayana raShe ndouya

Sezvo ndakadai Jesu Handizive nzira yangu


Ndino rwara m’mwoyo wangu Gwayana raShe ndouya

Sezvo ndakadai Ishe Ndiri bofu ndiri rombe


Sezvo ndinoshaya zvose Gwayana raIshe ndouya
HYMN 152

Iri gomo riri kure Kunze kwe’yo musha


Paakarovera Ishe paakatifira

Hatingazive kurwadza Wakatambudzika


Nom’towo wedu totenda Jesu wakatifira

Wakafa kuti tizoregererwa ticheniswe


Kuti tiende kudenga Tiponeswe naye
HYMN 153
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi
Kana nedambudzo riri neni
Ndichiri kuimba pedyo nemi Mwari
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi

Ndafanana m’fambi wadokerwa


Dima randibata ndirimunzira
Makorokoto’ni ndiri prdyo nemi
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi

Zvepamwe naJesu ndingakwira


Pamberi pezuva kune denga
Pakuimba ndiri pedyo nemi Mwari
Pedyo nemi Mwari pedyo nemi
HYMN 154
Jesu ndinokuda uri wangu’wo
Ndinosiya zvose zvakaipa zvo
Mununuri wangu muponesi’wo

Ndinomuda nekuti makandida


Pamuchinjikwa makandiponesa
Pam’sana pamgu matambudzikapo

Kana muhupenyu kana murufu


Ndichiti apo ndakabatwa nerufu
Ndichakuda imi mundiponesa

Kumusha kwembiri kuno farisa


Ndichakudza imi iko kudenga
Kudenga ndichaimba irwo rumbo
Chorus
Kuti ndakakuda Asi nazvino
HYMN 155
Ngatiimbe pamwe tose Kudza zita’ro raTenzi
Mbiri yamambo’yo Mwari Kudza zita’ro raTenzi

Jesu zita remasimba Kudza zita’ro raTenzi


Rine simba kuponesa Kudza zita’ro raTenzi

Ngatibvume zvinyangadzo Kudza zita’ro raTenzi


Tachenurwa neropa’ro Kudza zita’ro raTenzi

Chorus
Mese kudzai zita raTenzi Kudza zita’ro raTenzi
Mese kudzai zita raTenzi Kudza zita’ro raTenzi
HYMN 156
Jesu ndowangu ndofara sei
Zvandiri wake ndichatsvakei
Neropa ndakasukwa naye
Ndapiwa nhaka naMwari Ishe

Ndinozorora norugare
Ndinochitenda kuda kwaIshe
Nyasha norudo unondipa
Ndinochifara nowandida

Ndakachengetwa ndinomuda
Chandinoshaiwa hapachina
Jesu anongotarira Ishe
Ndapiwa nyasha huru naye

Chorus
Ndicharumbidza Ishe wangu sei
Nenziyo dzangu ndimukudzei
Ndicharumbidza Ishe wangu sei
Nenziyo dzangu ndimukudzei
HYMN 157
Mwari Ishe zvandinofungidzira Chorus
Panyika dzose dzamakasika Ndichaimba M’ponesi Ishe wangu
Ndonzwa dutu ndinowana nyeredzi Uri m’kuru Uri m’kuru
Simba renyu raratidzwa kwose Ndichaimba M’ponesi Ishe wangu
Uri m’kuru Uri m’kuru
Zvandofamba mudondo ramapani
Ndonzwa shiri dzoimba mumiti
Ndichiona kubva pagomo refu
Ndonzwa mvura nokutonhorera

Zvandofunga zvatakapiwa naye


Nokufa kwake ndinozadziswa
Pam’chinjikwa wanzwa Kurema
kwangu
Neropa wafira zvivi zvangu

Kristu achidzokera nokukunda


Wanditora ndichafadziswa seyi
Ndichakudza nokukotama hangu
Ndoparidza Ishe uri m’kuru
HYMN 158
Baba ndiri mwana wenyu Kana ndakatadza
Ndinochema mberi kwenyu Baba ndiregere

Zvitadzo zvangu zvizhinji Hazvingaverengwe


Ndino zviisa kwamuri Baba ndiregere

Mirau yako ndatyora Iwe ndakuzvidza


Mununuri ndamurasa Baba ndiregere

Ndakatadza nokureva Ndatadza kufunga


Ndakatadza nemabasa Baba ndiregere

Muri Mwari mune ngoni Dzisina kupera


Naizvozvo ndinochema Baba ndiregere
HYMN 159
Ndawana shamwari Jesu wangu
Rudo runogara ari wangu Rufaro rwenyika
Ruchazopfuura Ndinorunyararo ari wangu

Kana ndapererwa Jesu wangu


Anozondibata ari wangu Anondichengeta
Nesimba neropa Hapana kusuwa ari wangu

Nyika yapfuura Jesu wangu


Pakutonga kwake ari wangu Chinhu choshamisa
Kana ndotarisa Iye pakudenga ari wangu

Ndasiya zvenyika Jesu wangu


Ndinoda zvedenga ari wangu Ari mununuri
Ari muchengeti Ari muponesi ari wangu
HYMN 160
Hozana kuna Mwari ndoimba nezwi rangu
KuMwana waDavidi wakauya kwandiri
Jehova ndiyamure pakurema kwangu
Wauya asadanwa muponesi wangu

Ndoshonge dzakadini azondishanyirawo


Mugadzirire iwe neMwoyo wako wose
Ndoupira kwamuri mununuri wangu
Upfugame kwauri chokwadi Ishe wangu

Ndasunungurwa newe mutorongo rangu


Rikadimurwa newe iroro joti rangu
Rakandirasikisa ndasiya upenyu
Wakandifarisa zve pakuchema kwangu
HYMN 161
Kuna Jesu ndozvipira Zvose ndinomupira
Ndichavimba nokumuda Ndichazogara naye

Kuna Jesu ndozvipira Ishe pamberi penyu


Zvinhu zvenyika ndosiya Ndigamuchirei Jesu

Kuna Jesu ndozvipira Ndiitei ndive wenyu


Ndibatei mweya Mutsvene Ndinzwe muri wangu

Kuna Jesu ndozvipira Ishe ndine kuzvipira


Ndizadze nesimba renyu Ndiropafadze imi

Chorus
Ndopira zvose Ndopira zvose
Zvose kwamuri M’ponesi Ndopira zvose
HYMN 162
Ndosangana sei naJesu Ndichandomuyigirei
Hati ndakamubatira Zuva rimwe ndoitei

Handichatyi rufu hangu Zvandarwirwawo naye


Bva ndonyara zvandisina chandingamuyigira Ishe

Dai makore okuchinya Ndaiadzoserwa zve


Ndaapa Jesu wangu Ndaiteerera iye

So mutendi usazeza Muka uchibatira Ishe


Shingairira varasiki Rwisa kuvadzosazve

Chorus
Ndosangana sei naJesu Ndichando muyigirei
Zvandisina mumwe oga Kundoisa kuna Ishe
HYMN 163
Panguva yokuteura Ndinonyaradzwa naBaba
Ndouya nokukumbira Nokushaya kuna Baba
Panguva yokutambudzika Mweya wangu wanyaradzwa
Ndinokunda mukuyedzwa Panguva yokuteura

Panguva yokuteura Inguva yokukumbira


Kwaari anovimbika NdiMwari wokuyamura
Iye anondidaidza Kumutswaka nokuvimba
Ndomuudza kutambudzwa Panguva yokuteura

Panguva yokuteura Ngatiwane ruyamuro


Ndichingogara panyika Misi yose ndoteura
Kana ndichisiya nyika Kuti ndiende kudenga
Ndichatenda ndichakudza Nguva’yo yokuteura
HYMN 164
Tenzi unonditsvagira nzira yangu
Tenzi unonditsvagira nzira yangu
Ndikafamba muchiedza kuita zvakanaka
Tenzi unonditsvakira nzira

Tenzi wati paridza shoko munyika


Tenzi wait paridza shoko munyika
Ndikafamba muchiedza kuita zvakanaka
Tenzi unonditsvakira nzira

Hazvifadzi kunzwa zvakanaka here


Hazvifadzi kunzwa zvakanaka here
Ndikafamba muchiedza kuita zvakanaka
Hazvifadzi kunzwa zvakanaka here
HYMN 165

Wakatora chipapata Ukachimedura


Ukati torai mudye Zvomuviri wangu

Jesu watora mukombe watingatitende


Ndochitenderano chitsva pane ropa rangu

Tinotora chipapata Totarira iwe


Tinotora tidye tose Tichisuwa iwe

Tinotora mukombe Tichivimba newe


Tinonwa kwauri tose Tichifunga iwe
HYMN 166

Tsitsi dzinondishamisa dzakandiponesa


Ndakange ndisingawone zvino ndaoneswa

Tsitsi dzinondishamisa dzakandishingisa


Netsitsi dzake ndasukwa zvino ndaponeswa

Mudambudzo repanyika ndine mubatsiri


Ndichazofamba kuenda kum’soro kudenga

Tenzi makanditsidzira rufaro kudenga


Jehova ndiye m’chengeti mu’penyu hwepasi
HYMN 167
Ndakakufira kare ndakuripiravo
Ugozosunungurwa upihwe hupenyu
Ndakakufira iwe wakandiitirei?

Ndakakutamburira makore panhovo


Ugozondofadziwa kudenga ikoko
Ndatamburira iwe wakandipei

Ndasiya Baba vangu mufaro naiwo


Kuvuya panenhamo hurombo ,rufuwo
Ndakakusiyira zvose wakandisiyirei?
167 CONTINUED……………………………………

Bva ndakakuvigira ndichibva ikoko


Chengeto yakazara norudo rwangu wo
Ndakakuigira zvose wakandiigirei?

Umupe mwoyo wose hupenyu hwose zve


Zvisungo zvidambure upihwe rugare
Dorasa zvako zvose uchingotenda Ishe
HYMN 168
Teererai manzwi awa
Anoimba ikoko
Ko haazi avatumwa
Vanogara ikweyo
Vanhu nhasi maponerwa
Muchengeti chifarai
Chiimbaiwo “Hareruya”
Kristu Jesu chikudzai

Ndokubwinya kwaIshe wedu


Wekudenga denga’ko
Vanhu vave nomufaro
Rugare panyika wo
Zuva rino taponerwa
Muchengeti Kristu Ishe
Ngatiimbe Hareruya
Tigokudza Jesu zve
HYMN 169
Ndiani kudanga’ko Chorus
Unogwadamirwa po? Ndiye Ishe wesimbarose
Ndiye Ishe wevanhu vose
Ndiani musangomo Ngatimugwadamirei
Wozvinyima kudya po? Ishe wevaShe tikudzei

Ndiani wochema wo
Pakavigwa Razaro

Ndiani kumunda’ko
Unonyengetera’po
169 CONTINUED………………………

Napamuchinjiko wo Chorus
Ndiani wofira’po? Ndiye Ishe wesimbarose
Ndiye Ishe wevanhu vose
Ndiani womukazve Ngatimugwadamirei
Unotipa rugare? Ishe wevaShe tikudzei

Ndiani kudenga’ko
Unobata huShe’po?
HYMN 170

Pindai pindai mutambo uripo


Munodaniwa kuzopindawo

Rakazaruka suvo irero


Ndorudo rwaIshe nhamo ichipo

Chorus
Pindai,pindai,hugaro huchimo
Roda kuvira zvino pindai
Kwoda kusviba chimbidzikai
Yoda kuzara imba iyeyo
Pindai,pindai,chikomba chavapo
170 CONTINUED…………………………..
Kudenga kwose kwomumirirai
Inzwai vatumwa vomudanai

Nzwi ravo rinonzwika teererai


Musanonoka zvino chipindai

Chorus
Pindai,pindai,hugaro huchimo
Roda kuvira zvino pindai
Kwoda kusviba chimbidzikai
Yoda kuzara imba iyeyo
Pindai,pindai,chikomba chavapo
HYMN 171

Mwari komborerai Africa ngaisimudzirwe zita rayo


Inzwai miteuro yedu Mwari komborera
Isu mhuri yayo (dzokorera)

Chorus
Huya Mweya Huya Mweya
(Huya Mweya Komborera) (Huya Mweya
Komborera)
Uya Mweya mweya Mutsvene kuti
Komborera isu mhuri yayo
HYMN 172

Paradzira soko kune munhu wese


Kana kune avo vakasungwa mwoyo
Ndimi dzewatendi ngadzidaidzire
Munyaradzi …..awuya

Usiku hwapera zuwa rinobuda


Ronyaradza mhere nokutya kwese
Muma komo ese zuwa rakasvika
Munyaradzi …..awuya

Mambo wewa Mambo murapi mukuru


Ipa rusununguko wabatwa wese
Nemumatirongo rwiyo ngarunzwike
Munyaradzi …..awuya
172 CONTINUED……………………………

Rudo runoyera handingakwanisi


Kuti nditaure tsitsi dzinoyera
Ini munyaradzi ndiwe nekupenya
Munyaradzi …..awuya

Rega mawungira akwire mudenga


Watsvene wedenga wachipindurawo
Mukuimba rudo rwake rusingafi
Munyaradzi …..awuya
HYMN 173

Pachinjikano yaShe Pandinofunga rufu rwake


Ndorasha pfuma yose’po Ndozvidza zvose zvangu

Ndirege kuzvikudza Ndikudze chinjikano yega


Zvakambosingofadze’ni Ndorasha ndichitendemi

Mavanga dowonai Vurombo hwake chifundai


Musoro,chiso,tarirai Makambowona zvakadaro

Ishe deno ndaimupa Vufumi hwose hwepanyika


Chidoko chiko chakadai Vupenyu hose ndomupai
HYMN 174
Wafa muponesi pachinjikano
Ndini mutadzi ndafirwa naye
Ndinosukiwa neropa rake ndakawana ushe
CHORUS

Ndicho chidziva cheropa rake, Ungawana ushe, ungawana ushe,


Unganatsiwa mwoyo wako
Vose vatadzi vosukwa nacho Ungawana
Mechiri ungandisuka Jesu ndawana ushe

Ndakaponeswa, ndokatyamara.
Jesu ugere mumoyo wangu
Wakapindira pachinjikano ndakawana ushe.

Iwe Mutadzi, uuye zvino,


Uise mweya pamuponesi.
Huya, unyure muropa rake. Ungawana ushe
HYMN 175
Musatsvaka zviripasi Chitsvakai ushanangurwa
Zvinosvava hazvifadzi Novunyoro unofadza
Rudo rokusingarehwi Uye kuzvikumukidza
Chitsvakai, Chitsvakai Chitsvakai,Chitsvakai

Musatsvaka zvepanyika Chitsvakai zvoushe hwake


Nokushuva vo pasina Paridzai wo shoko rake
Bva zomwoyo zvinokosha Nokufudza boka rake
Chitsvakai,Chitsvakai Chitsvakai,Chitsvakai

Chitsvaka o komborera
Mugovaraidzwa mwoyo
Mungapiwa kanganwiro
Chitsvakai,Chitsvakai
HYMN 176
Chinjikano ndirero Ndorambira ipapo
Tsime reupenyu Ndichitenda kwoga
Rinopodza vose She Pamwe handizivi’po
Wanouya kwenyu Asi apo poga

Chinjikano ipapo Chorus


Ndanga ndichihuta Ipapo ipapo
Bva nehasha ndipapo Jesu ndichakudza
Pandakazofara Kusvikira ikweyo
Ndichimurumbidza
Maratidza ipapo
Tsitsi dzenyu huru
Zvino mundibatsire
Kuifunga kwazvo
HYMN 177

Tenzi taungana muno mumba yenyu


Uyaiwo zvo tapinda Tenzi mberi kwenyu

Iyo mwoyo yedu inomuchemera neyi


Mweya yedu Tenzi inomutarira

Baba ngatizive kuti muri pano


Ngatirinzwe izwi renyu razarurwa ndimwi

Tagadzirirenyi isu vanhu venyu


Kuti kana tafa mutipinze musha wenyu
HYMN 178
Ndofamba ndofamba ndofamba ,ndosuva kudenga
Kunyika yaTenzi isina nenhamo

Fambayi vatendi kunyika kureyo


Inoda vasimbi kusvika’yo nyika

Upfumi huriyo hakuna murombo


Hakuna neumwe neumwe hakuna

Madzinza ariyo kunyika yaTenzi


Havachazochemi Havana rusuvo

Vatsvena variyo vafara zvikuru


Vaona’yo Nyenye mufiri wevese
HYMN 179
Kuchave makomborero Kuchave makomborero
Chivimbiso cherudo Kwatiri ngaauye
Kuchavewo mavandudzo Tichiva norupinduko
Anobva kuna Jesu Tichinamata Ishe

Kuchave makomborero Chorus


Tinozomutsururwa M……komborero
Mumipata namakomo Tinoadisa Tenzi
Sokunaya kwemvura Tsitsi shoma dzotiwira
Asi tinoda zhinji
Kuchave makomborero
Auye kwatiri Ishe
Utipewo ruvanduko
Chipiko chizadziswe
HYMN 180
Kana Tenzi anoridza tsuri yokuguma’yo Chorus
Apo nguva yepasi yaperawo Mazita anodaidzwa
Kana vakanaka vose Mazita anodaidzwa
Vanounganidzwa’po Mazita anodaidzwa
Mazita anodaidzwa ndiri’ko Anodaidzwa kudenga ndiriko

Pamusi wokumuka vakafa munaKristu


Vanoona mbiri huru yake’yo
Apo vasarudzwi vanosangana kumusha’ko
Mazita anodaidzwa ndiri’ko

Ngatibate basa rake kuti rizopera


Ngatishumaire rudo rwaMwari
Ndizvo Jesu anouya kutora vanhu vake
Mazita anodaidzwa ndiri’ko
HYMN 181
Nguva yakanakisisa Yokukurumbidza
Kana tadzoredzaniswa Pam’soro kudenga
Ndizvozvo tichinzwa mazwi Echisimbiso
Chokuti kana tikafa pane ino nyika

Kunakisa korugare Rwakasunga mwoyo


Isu kana taungana Pazita raKristu
Mwanakomana waBaba Wakakomborerwa
Chifungidziro Chekuti tichasanganiswa

Chorus
Tinosangana kudenga Neropa raJesu

Nokutenda kuna Jesu Tichasanganiswa


181 CONTINUED
Hongu nokukurumbidza Kukunda madzudzo
Tsoka dzedu dzakanaka Dzichiyambukira
Zambuko rinendarama Pavakagarira
Ava vanotida isu Kuripo rufaro

Kana takatsaukaniswa Kukange kwasvika


Nemazuva mashomana Makore mashoma
Tichave naye m’ponesi Pane idzo nzvimbo
Dzatinoreverwa kunzi Tichasanganiswa

Chorus

Tinosangana kudenga Neropa raJesu

Nokutenda kuna Jesu Tichasanganiswa


HYMN 182
Dzongera mangwanani mbeu dzakanaka
Dzongera masikati nemadekwana
Tikagarira kuibva kwembesana
Tichafara kwazvo kana tokohwa

Dyara mumimvuri dyara napazuva


Usatye makore nokutonhora
Dzapfuura nguva apera mabasa
Tichafara kwazvo kana tokohwa

Enda zvako zvinomudzongerera Ishe


Nyangwe nekunetswa nokutambudzwa
Kwapera kushanda achitichingura
Tichafara kwazvo kana tokohwa

Chorus
Kana tokohwa ,kana tokohwa
Tichafara kwazvo
Kana tokohwa
HYMN 183
Pane riya gomo, pamire m’chinjikwa
Wokurwadza nokunyaradza
Ndipo pam’chinjikwa pakafira Jesu
Kuti inni ndirarame

Uyu muchinjikwa ,wakatsvuka ropa


Waita chishamiso
Ndipo pam’chinjikwa pakafira Jesu
Kuti ini ndirarame

Vose vanotenda ,ngavanzwe raramo


Yakanyorwa muBhaibheri
Kuti vagoziva Jesu pam’chinjikwa
Kuti wafira zvivi
HYMN 184
Ishe wedenga ave nemiwo Chorus
Amuperekedze kwose Tionanezve ,Tionane
Agomuchengeta pose Tionane achida
Ave nemi tionanezve Tionanezve Tionane
Ave nemi tionanezve
Ishe wedenga ave nemiwo
Muchengetwe zvakanaka
Muchiswera ,muchivata
Ave nemi ,tionanezve

Ishe wedenga ave nemiwo


Amutaririre kwose
Uyewo munhamu dzose
Ave nemi ,tionanezve

Ishe wedenga ave nemiwo


Amumbunde mumaoko
Amukundise norufu
Ave nemi ,tionanezve
HYMN 185
Nguva yenhamo tinoshamiswa Tenda kusvikira parufu
Zvinoitirwa nguva dzose Kwasara nguva shomanana
Zvakuna vamwe vakatipota Nhamo ichazo
kanganwika’ko
Havabvunzwi kana vatadza
Pazuva ratichaona Ishe

Kana rufu kwatora vadiwa


Kana taona Kesu wouya
Tosara tine shungu kwazvo
Wobva kudenga nokupenya
Tinoshama vamwe vachifara
Tichasangana naye zuva’ro
Nokugara muzvivi zvavo
Tichanzwa zvose gare gare

Chorus
Tichazviziva zvose pamberi
Tichanzwisisa gare gare
Farai shamwari ukudze Mwari
Tichanzwisiusa zuva iro
HYMN 186
Tsitsi hedzi dzamira dzega Tsaona ingaperi yose
Nezvirwadzo zvakamira zvega Nemhaka dzose dzingaripwe
Nengoni dzamira dzega Zvakaipa zvinoregerwa
Pamuchinjikwa Pamuchinjikwa

Ishe waburuka kudenga Dzakaona ngirozi pasi


Akazova munhu kuvanhu Dzakati ngwanamwana pasi
Akava diramhamba redu Dzichiona mashura ayo
Pamuchinjikwa Pamuchinjikwa

Rutendo rwedu rwomirepi


Kufunga kwedu kwomirepi
Norudo rwedu rwomirepi
Pamuchinjikwa
HYMN 187

Hatina musha panyika Musha une runyararo


Hatifare kuva pano Vafambi vachazorora
Zvinofadza mweya yedu Dai ndine mapapiro
Kutsvaga musha unouya Ndaiuya ndizorore

Hatina musha panyika Mweya wangu chinyarara


Tinoda musha uri kure Mwari ano ziva nguva
Zita rawo iZioni Achaita sokuda kwake
Unopenya nguva dzose Iye wondipa zororo
HYMN 188
Apo tsuri yake Mwari inorira kwazvo Ngatibate basa redu nemasimba
misi yese
Inotaura kune vese kuti ‘Uyai’
Ngatitaure zvishamiso zvake
Tese tinobvira kuenda iyo,hakusare zvese
munhu
Tichiita zvakanaka kune vanhu
Nemazita edu achazodaidzwa vese vese
Nemazita edu achazodaidzwa
Asi hatizivi musi uyo tichadanwa ndiwo
Ndizvo ngatidaidzirire zvino pano Asi isu vemaKristu hatizotyi
Tirindire uyo musi ,tinonatswa kuenda kuenda iyo
iyo Mwari ndiye Baba wedu
Nemazita edu achazodaidzwa wakanaka
Jesu Kristu ndishamwari ndiye
Chorus anotonga vese
Kuti ndodaidzwa ndiye Nemazita edu achazodaidzwa
Kuti ndodaidzwa ndiye
Kuti ndodaidzwa ndiye ndova’yo
HYMN 189
Mwari uri zuva redu
Unopenya pauzuro
Asi mweya ungaone
Paunozofamba napo

Mwari uri ,nhovo yedu


Hatidzityi hondo dzedu
Dzose dzino kundwa newe
Tigouya nokufara

Unotipa ngoni dzako


Unotipa noutsvene
Unopa vanonamata
Unopa rukomborero

Rukomborero rukuru
Rukomborero rwedenga
Ruripo rwavanofunga
Kuti vanodiswa newe
HYMN 190
Pane zita rakanaka
Ndinoda kuimba
Izita ratenzi wangu
Zita rakazipa

Rinotiudza zvorudo
RwaJesu Kristu Ishe
Wakafira neropa
Rinotinatsa zve

Rinotiudza zvaMwari
Anotigadzirira
Toona ch’edza chake
Jesu pam’chinjikwa

Runotiudza zvomwoyo
WaJesu Kristu Ishe
Unoziva suwa redu
Ndokubatsira zve
HYMN 191

Ini ndinoda k’tevera Jesu


Ini ndinoda k’tevera Jesu
Ini ndinoda k’tevera Jesu
Handidzokeri, dzokeri shure

Kunyangwe ndoda, ini ndotevera


Kunyangwe ndoda, ini ndotevera
Kunyangwe ndoda, ini ndotevera
Handidzokeri, dzokeri shure

Zvenyika shure m’chinjiko mberi


Zvenyika shure m’chinjiko mberi
Zvenyika shure m’chinjiko mberi
Handidzokeri, dzokeri shure
HYMN 192
Dombo ndipe meso ndione Ndakaona negwara rake
Pauzuru kudenga Ndikabvunza makadii
Ndivaone vanoutsvene Ndiyeye wangu wakatifira
Vanofara kunaShe Wangu wafira isu

Zviya zvavaiva panyika Vakaona negwara rake


Vaichema misidzi Rakaenda paupenyu
Vaimanikwa nokuedzwa Vakafamba pagwara rake
Muedzi achiedza Vakazorora kudenga

Ngaarumbidzwe M’tungamiri
Zvaatitungamira
Kusashaike muteveri
Panero gwara rake
HYMN 193
Sarai neni kwavira zvi…no Handingatyi muchipandi…ri
Kwasviba Ishe mugare pa…no Mapfumo ambokundwa ne…mi
Hakuna vanga betsere…ni Rufu haruchazondirwadzi
Huyai mugosara ne…ni Ndokunda muchisara neni

Hupenyu huno hunope…ra Ndivone chinjikano ye…nyu


Mufaro wenyika watoi…nda Ndichisvikirwa narwo ru…fu
Kuvona ndinovona kwo…se Chiedza chenyu chindisvi…tse
Musingafi musare ne…ni Kudenga kwamuchava ne…ni

Ndomuda mazuva o…se


Imi makunda zvivi zvo…se
Mungandirwira moga i…mi
Mis’yose mugosara ne…ni
HYMN 194
Jerusarema musha wangu Ndingatye here kurwadza
Musha wakanaka Ndingatize kufa
Kana ndapedza mabasa Kwete ndinoenda kuKenani
Ndinoenda kwamuri Nyika yandinoda

Ndichauona riniko Vaprofita vadzidzisi


Uyo musha wangu Vakafira Jesu
Une dzimba dzakanaka Varipo pamwe naKristu
Nokudya kutsvene Neni ndichaenda

Hapasisina kuipa Jerusarema musha wangu


Hapana nenhamo Wandinotsvakisa
Ndinoramba ndichienda Kana ndasvika kwauri
Kumusha mutsvene Ndichafara kwazvo
HYMN 195
M’nyika isingaperi mune Mazambara anokosha
guta dzvene mune guta dzvene
Hauzombo pfuuri hakuna Nzira ngedze ndarama
usiku hakuna usiku

Chorus Mazambara ha’pfigwi


mune guta dzvene
Mwari achapukuta
masodzi avo vose Nerwizi runopenya
hakuna usiku
(Mwari achapukuta
masodzi avo vose)
Zuva harizopenyi musha
mutsvene
Hakuna kutya nerufu
hakuna usiku Nyenye ndiyo kupenya
hakuna usiku
(Hakuna kutya nerufu
hakuna usiku)
HYMN 196
Apo tinofamba muizwi raBaba Asi hatione kufara kwerudo
Imbirai toonana m’nzira Dakara zvese tinomupa
Kuti tinomuda nesu unogara Nekuti anopa kufara nerudo
Nevese vanomutevera Kuna ivo vanosimbira

Hakuna urombo hunotitambudza Ndizvo pamwe tese tinogara naye


Asi Jesu unoudzinga Kana kufamba naye m’nzira
Kana kupokana masodzi nokutya Isu tichaita manzwi ake ese
Hazvigari nekusimbira Kuteerera nekusimbira

Hkuna mutoro hakuna urombo


Asi anotidzokesera
Hakuna kushaya kana
kutambudzwa
Tinowona nekusimbira
HYMN 197

Ndina muponesi anoshamisa anondishamisa ini


Anondiviga mubako redombo ,kune nzwizi dzerufaro

Chorus
Anondiviga mubako redombo rinobvisa nyota yese
Aviga upenyu muruoko rwake
Ofukukidza nerudo, Anondifukidza ini

Ndina muponesi anoshamisa anorerutsa mitoro


Anondimisa handizotenheki ,ndiye anondipa simba
197 CONTINUED………………………..
Nguva dzose anondikomborera ,ndozadzwa nembiri yake
Mbiri kuna Mwari ndomuimbira ,ndiye mununuri wangu

Kuti ndapfeka mbiri ndozokwira,ndokumbwa naye


mumakore
Ruponeso rudo runoshamisa toimba tese kudenga
HYMN 198

Chingwa chehupenyu tora Tenzi


Sezvo makachitora pagungwa
Pamagwaro enyu ndinoda imi
Mweya wangu Tenzi unoda imi

Ndipei chokwadi Tenzi wangu


Sezvamakaita paGarire
Kusungwa kunopera majoti zve
Ndoona zororo muna Tenzi
HYMN 199
Kunonaka kuda Jesu Kumudaira kwazvo
Kuzorora pachitsidzo Nekuti wakadaro

O, kunaka kuda Jesu Ndachena neropa’ro


Ndapona nekudaira Kuna M’ponesi’wo

Hunde zvakanaka kwazvo Kusimbira kwaJesu


Kugashira kuna iye Rufaro neupenyu

Ndinofara ndakadzidza Kusimbira kunemi


Ndinoziva ndichagara Pamwe nemwi narini

Chorus
Jesu,Jesu ndasimbira Ndakabatsirwa naye
Jesu,Jesu anondipa Mwoyo kusimbirazve
HYMN 200
Zano chiro chakanaka Tese tinorida kwazvo
Zano haritengwi kwete Riri chipo chaJehova

Izwi rake rine zano Kusimudza vanhu vese


Riri simba remarudzi Riri idi remakore

Ngero zano tine simba Rekuita zvakanaka


Asi rinouya basi Kune avo vanomuda

Soromoni wakarida Akarikumbira Mwari


Ndizvo Mwari wakamupa Zano pfuma nerukudzo

Apo tinoshaya zano Ngatiende kuna iye


Uyo ane rakakwana Kupa kune vanhu vese

Chorus
Zano ndega Zano ndega Zano ndega mwanangu
Zano ndega wakatadza Zano panga ndiJehova
HYMN 201
Ndinoshamiswa kwazvo Namabasa makuru
Akaitwa nemi Ose anorumbidzwa
Ukuru hwenyu Mwari Hunoshamiswa kwazvo

Kana ndarangarira Mabasa okudenga


Kana ndarangarira Mabasa epanyika
Ndinobuda misodzi Kana ndafunga imi

Mwari vatatu mumwe Itai tikudei


Nokuti mazotida Makatipa Jesu
Makatipa Mweya wenyu Wokutisimbaradza

Rumbidzai iwe wedenga Rumbidzai iwe nyika


Rumbidzai iwe wegungwa Nesu ngatirumbidze
Uyu Musiki wedu Ane rudo rukuru
HYMN 202
Ndiri pano Tenzi nditumei
Muzunde renyu Baba Kune avo vanoshaya
Mune basa rekuita Mudikani Tenzi wangu
Vanhu havazivi imwi Soko renyu ndingatora
Vanogara mune dima Kana vanhu vandivenga
Havazive nzira tsvene Sezvo imi makawengwa
Havazivi Jesu Kristu Kuti muchindituma’yo
Murumbwana wenyu chete Ndichafara kushandira
Havazivi rudo rwenyu
Taurai Tenzi soko renyu
Chorus Taurai Tenzi ndiri kunzwa
Ndiri pano Tenzi nditumei Kuda kwenyu ngakuitwe
Kune avo vanoshaya Sezvo munondiudzira
Ndiudzirei manzwi enyu
Kuti ndipe kune vanhu
Ndiudzirei manzwi enyu
Enyu basa Tenzi wangu
HYMN 203
Rukariro urwu rwangu
Chirangano chake icho
Rusimbire kuna Jesu
Nechitsidzo cheropa
Handidawiri nemunhu
Zvinondipa rusimbiso
Asi zita raJesu
Pakati pematambudziko

Kuti awigwa nedima


Apo anenge auya
Tsitsi dzake ndogarira
Netsuri ichazoridzwa
Mumhepo huru yesimba
Ndinoda kuti ndimire
Ruwoko rwake ndobata
NaJesu parudyi rwake
Chorus
Ndinomirira pana Jesu
Ndiye dombo nheyo yangu
Zvimwe ndichamira hangu
HYMN 204
Takaiswa pasi pano
Pasi pano tinochema
NeMusiki wedu Mwari
Tinorwadzwa ndiSatani
Kuti tizogadzirira
Tinoedzwa zvirokwazvo
Nge’yo nzvimbo yakanaka
Tichitambudzika kwazvo
Iyo Jesu akaenda
Asi tinoziva kuti
Kofanira kugadzira
Pano handi musha wedu
Akatisiyira izwi
Tichaenda kune nyika
Ndichadzoka kumutora
Kuna Baba wakanaka

Kuti tichishaya kudya


Chorus
Nemafaro akanaka
Pano handi musha wedu
Kana hama dzativenga
Tinoziva imwe nyika
Dzatituka zvirokwazvo
Tinoenda nekufara
Tine hama yakanaka
Iyo tiri kudaidzwa
Inogara pakudenga
Kugadzira nzvimbo yedu
HYMN 205
Mambo Jesu ane chiremba
Mambo Jesu watidaidza
Pakare pazoiswa minzwa
Kuchidyo chake
chokudenga Nembiri yake tichamuona
Tomira sei pakutongwa Mambo apinda
Mambo apinda
Achafara pakutiona
Chorus Kuti tapfeka nguo chena
Apo mambo apinda Ndizvo kunesu kunonaka
Kuzotitonga Mambo apinda
Tichamira sei apo
Mambo apinda Tenzi tinokumbira mutsa
Kuti tese tinozomira
Munzvimbo dzedu
nekusatya
Mambo apinda
HYMN 206
Pamuchinjiko pane upenyu
Jesu ati nditarise
Pasi nepfuma ngezvenhando
Pamberi ndaona zvakanaka

Apo ndakamutarisa Jesu


Iye akanyemwerera
Kuti ndava mumatambudziko
Muchinjiko unondisimbisa

Ndinozotarisa muchinjiko
Ndosimbira muchinjiko
Hakuna anozoputsika
Vanosimbira simba redenga

Chorus
Kune upenyu mukutarisa muchinjiko
Upenyu mukutarisa paMuchinjiko waKristu
Upenyu hwakanaka kutarisa Kalvari
Upenyu hwakanaka kutarisa paKalvari paKalvari
HYMN 207
Mwari mubatsiri wangu Kune vemisi mizhinji
Dakara nazvino Inokanganwikwa
Mudziviriri munhamo Senguva yemangwanani
Nebanza narini Kusati kwaedza

Zvese zvisati zvasikwa Tenzi muri Tenzi wemwoyo wangu


Makomo nemiti Wandinogarira
Iwe wakanga uripo Mwoyo wangu kudai waiziwa
Mugari narini Ndaizomuona

Pasi pechigaro chake


Vanhu vakakotswa
Maoko ake esimba
Anotidzivira
HYMN 208
Kudenga kwakanaka kupinda pasi pano
M’ponesi wedu anogara iyo
Ari kutidaidzira kuti tizogadzirira
Nge’yo nzvimbo yedu yakanaka kwazvo

Chorus
Tizowona M’ponesi ,tizomuchingamidza
Tizogara naye nekusingaperi
Tizowana M’ponesi ,tizomuchingamidza
Tizotonga naye nekusingaperi
208 CONTINUED…..
Kum’soro kwakanaka hakuna chakaipa
Ruriyo rwizi rweupenyu iyo
Jesu Kristu mambo weyo ane dendemaro rako
Asi vanhu vose vanomuombera

Rugaro rwake Mwari runotitaurira


Runakiso rwenyu rwakakomba
Runopinda zviro zvese runopinda kutondera
Rwakagadzirirwa vanhu vakanaka

Makwanza ayo ose aitwa ngendarama


Misiwo yese yakanakisisa
Ukuru ngehwemahwe akanaka anokosha
Zviro zvese zvinopenya nekubaka
HYMN 209
Hoyo mushandiri waShe Pfungwa dzangu dzose Ishe
Ndoda kurairwa nemi Ngadzitungamirwe nemi
Kuchengeta shoko renyu Basa rangu rive renyu
Nekuita kuda kwenyu Ndiro roga rakakwana
Ndisaite kuda kwangu Ndiro rinofadza basa
Ndizadzise kururama X 2 Renyu roga rakakwana X 2

Kana mandinzwira ngoni Ndinozviisa kwamuri


Kuti nditiswe basa Ndiri ivhu mundiumbe
Sarudzai zvamunoda Mundiite hari yenyu
Asi garai mandiri Ndikutererei chose
Zviito ngazvive zvenyu Ndive mushandiri wenyu
Zvakanaka zvakakwana X 2 Paupenyu nepakufa X 2
HYMN 210
Wakatambudzika Jesu Zvinochemedza vazhinji
Wakatambudzikira isusu Muupenyu hwatinorarama
Wakatambudzika Jesu Tinotenda mweya washe
Kuti tirarame Mweya munyaradzi

Wakasenga chinjikano Usarase moyo wako


Wakananga Gorogotha Ishe anoziva zvose
Wakaroverwa ipapo Ihama iri pedyo
Mambo wemadzimambo Shinga unamate

Chorus Saka nesu vana vashe


Kurwadza kurema Ngatifambe nzira imweyo
Wakafira isusu Yekutambudzika kwashe
Kutukwa kusuwa Nyangwe zvichirwadza
Wakaona zvose
HYMN 211
Jesu asati aenda akataura kwavari
Ndichazovaka sangano padombo’ro ndiye Jesu

Jesu asati aenda akataura kwavari


Ndichavaka sangano sangano’ro rake Jesu

Akataura kwavari kuchazouya mapumhi


Anoparadza sangano sangano’ro rake Jesu

Chorus
Ndorambira ipapo pasangano’ro raJesu
Madambudzo epanyika anondiwana ndiripo
211 CONTINUED……
Kana ndichinge ndaenda kuchazouya mapumhi
Anoparadza sangano sangano’ro rake Jesu

Ngatiparidze kuvanhu nezvesangano raJesu


Rinotaurwa muBhaibheri sangano’ro raJesu

Ngatiparidze kuvanhu nezvesangano rimwe chete


Rinotaurwa muBhaibheri sangano’ro raJesu

Chorus
Ndorambira ipapo pasangano’ro raJesu
Madambudzo epanyika anondiwana ndiripo
HYMN 212
Baba wedu makatsidza ndinokutungamirira
Kuti usarasikeba ndinokutungamirira

Apo unotambudzika nekushaya zano riya


Unofunga aya mazwi ndinokutungamirira

Kuti hama dzako dzafa uchidzichemera kwazvo


Unofunga aya mazwi ndinokutungamirira

Chorus
Ndinokutungamirira ndinokutungamirira X 2
Pakukwira kune denga ndinokutungamirira
212 CONTINUED……………………………
Apo unokomborerwa mwoyo wako unofara
Unodisa aya mazwi ndinokutungamirira

Mangwanani ese ese unofunga aya mazwi


Echitsidzo chakanaka ndinokutungamirira

Apo unorara pasi pausiku uri wega


Unotenda aya mazwi ndinokutungamirira

Apo unobata basa unofunga manzwi ake


Uyo wakakutsidzira ndinokutungamirira

Chorus
Ndinokutungamirira ndinokutungamirira X 2
Pakukwira kune denga ndinokutungamirira
HYMN 213

Mukristu muka Tenzi akutume Basa raTenzi dziwira nesimba


Nenheyo nemunondo mumaoko Rinda udise urwe kumagumo
Enda usangane nemuedzo shinga Kwaanotuma enda ukasike
Mira segamba utarise mhandu Mira segamba utarise mhandu

Kana munjodzi chenjera ngwarira Enda usatye Tenzi ari pedyo


Usadzokere hakuna chishangu Anopa tsitsi nekukunyaradza
Vakani verima ungavakunde Rudo rwake sekarwizi mugwenga
Mira segamba utarise mhandu Mira segamba utarise mhandu

Chorus
Iwa gamba Iwa gamba
Iwa gamba Utarise mhandu
HYMN 214

Ndinokudza Kristu ndinovimba naye


Ndinomuti muponesi wakandinunura

Femera kwandiri mweya Mutsvene


Kuti ndinzwe muchinditi panda muzororo

Vasimbisa naShe nemasimba ake


Uyo unovimba naye panda muzororo

Mushandi wamwari chizorora zvino


Wakarwisa wakakunda pinda muzororo
HYMN 215
Hama dzangu musha wababa watinodaidzirwa
Kune nzvimbo yako kudenga asi munongoramba

Akavapindura achiti mazuva mangani


Ndichikunyengetera iwe asi unongoramba

Akavapindura achiti mazuva matatu


Ndichikunyengetera iwe usandikanganwezve

Muviri wangu kana ndafa ndoiswa muguva


Hama dzangu dzinoparara ini ndosara ndoga
HYMN 216
Ndaive ndakarasika ,ndaive ndiri murima
Ndiri musungwa ndichitambura

Nedzimwe nguva ndichifunga


Misodzi inoyerera ndaisaziva Ishe Mwari

Nyatsotarisisa shamwari Jesu ari pamuchinjiko


Ari musungwa achitambura

Chorus
Ishe musandisiye X 4
Haa paupenyu hwangu,imhepo zvayo
Inovhuvhuta anovhuvhuta nemapapiro
Musandisiye
HYMN 217

Jesu ari pamuchinjiko akadaidzira X 2

Kubvira nguva yetanhatu


Kusvika nguva yepfumbamwe X 2

Chidzitiro chemutemberi
Chakabvaruka X 2

Chorus
Vaingoti Mwari wangu Mwari wangu
Mandisiyireiko X 2
HYMN 218
Mazuva ano ndeekuguma,nguva ino yekupedzisira
Hama yangu unobatei
Ishe Jesu ouya

Wakataura mwana waMwari ndoenda hangu asi ndichadzoka


Kana moona zvose zvoitika
Moziva kuti kuguma kwasvika

Wagadzirira here shamwari,nguva ino yekupedzisira


Shamwari yangu zvifungisise
Ugadzirire mweya wako

Chorus
Hama yangu unobatei X 3
Hama
Ishe Jesu ouya
HYMN 219
Mufaro wezuva riya,wakapinduka kuchema
Kuchema Abisolom Abisolom wafirei

David ochema mariro,kuchemera mwana wake


Mwana wake Abisolom Abisolom wafirei

David ochema Jerusalem,Jerusalem musha wake


Jerusalem musha unodadisa Abisolom wafirei

Chorus
BASS: Abisolom X 2
TENA: Mwana wake X 2
TESE: Vakafa nemhosva yavabereki
Abosolom wafirei
HYMN 220
Kuti tive pano Inyasha dzaMwari
Inyasha dzaMwari
Inyasha dzaMwari

Kukura kwedu tese Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Hausi uchenjeri

Kudzidza kwedu tese Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Inyasha dzaMwari

Misha yatinayo Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Hausi uchenjeri
220 CONTINUED…………………………………
Murume waunaye Inyasha dzaMwari
Tisambo zvikudza
Inyasha dzaMwari

Mukadzi waunaye Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Hausi uchenjeri

Vana vatinavo Inyasha dzaMwari


Tisambo zvikudza
Inyasha dzaMwari
HYMN 221
Iwe rangarira zuva riye Mai rangarirai zuva riye
Rawakazvarwa uri wega Rawakazvarwa uri wega
Uchafa uri wega Uchafa uri wega
Ugovigwa uri wega Ugovigwa uri wega

Baba rangarira zuva riye Sisi rangarirai zuva riye


Rawakazvarwa uri wega Rawakazvarwa uri wega
Uchafa uri wega Uchafa uri wega
Ugovigwa uri wega Ugovigwa uri wega

Chorus
Pano paita nyaya
Yeruponeso yekuberekwa kutsva
Pano paita nyaya
Yeruponeso yekuberekwa kutsva
CHEWA HYMN 1 : KWATU SIPADZIKO

Kwatu sipadziko ndingopitirira Andiyembezeka chinthuchi ndidziwa


Ndadzikundikra chuma kumwamba ko Mpulumutsi wanga wandikhulukira
Mngelo akodola pakhomo lam’Mwamba Adzandipyoletsa pamene ndafoka
Ndipo dziko lapansi sindiyeza kwathu Ndipo dziko lapansi sindiyesa kwathu

Chorus
Mayi watsogola ku Ulemerero
Mbuye ndinu bwenzi langa ndithu
Ndifuna kugwira dzanja lake nkolo
Ndichitechingati Kimwamba si kwatu
Andidikiranso pakhomo lam’Mwamba
Mngelo akodola pakhomo lam’Mwamba
Ndipo dziko lapansi sindiyesa kwathu
Ndipo dziko lapansi sindiyesa kwathu

Mu ulemerero tidzakhala m’yaya


Oyemtiwawo alikulambila
Ati,” Aleluya kwa Mlungu Wamphamvu
Ndipo dziko lapansi sindiyesa kwathu
CHEWA HYMN 2: MUNDIMVERE

Mundimvere mbuye wanga Munafera ine khale


Nkana ine ndimalakwa Kuti mukandimasule
Koma ndinu moyo wanga Lero lino Mndinyamule
Mbuye mkhale ndine Mbuye mkhale line

Ndine mlendo pansi pano Mundidzaze ndi chikondi


Msanditaye mdzanja lanu Mndiyeretse m’mtima monse
Mundisunge mwana wanu Chifuniro change mthole
Mbuye mkhale ndine Mbuye mkhale ndine

Imfa ikandifikira
Inu ndidzakangamira
Ndikalowa ine m’mndima
Mbuye mkhale ndine
CHEWA HYMN 3: NDIIMBA

Ndiimba mumtima mokondwa Pamtanda Mbuyanga ‘nafera


Ndi nyimbo yokoma yoyera Akandichotsere zochinwa
Ndiimba za Yesu Mbuyanga Anandiglira mtendere
Anditonthoza ‘ne phee Mbuye mkhale ndine

Chorus Pomlambira Yesu Mbuyanga


Chete Chete Mumtima mtendere walowa
M’mtima mtendereme phee Ndalitso wopasa ndapedza
Udzera kwa Yesu wokanda Mbuye mkhale ndine
Mutendere Mumtimanu
Pokonda Yesuyo mtendere
Kunthawi zosatha mtendere
Potsata mbuyanga apatsa
Mtendere mumtimanu
CHEWA HYMN 4: MSANDIPITIRIRE
Msandipitirire Yesu Mundimvere ine
Mulikudalitsa ena Msandipitirire

Chorus
Yesu Mbuye Khuti munditchere
Mmene muitana ena Msandipitirire

Ndigwandira inu Yesu Msandikanize


Ndikdldpatu machismo Mbuye Mndithindize

Nkope yanu ndifunitsa Sind’yenera konse


N’mtima mwanga muchiritse Nthenda zanga zonse

Yesu ndinutu chitsime Cha chimwemwe chokha


Sindifuna wina konse Koma inu nokha
CHEWA HYMN 5: IDZA WOLEMA

Idza wolema akupumitsa womva chisoni Akutonthoza


Mlendo limbika Mphamvu apatsa Amatisunga Yesu Ambuye

Ndiye mtsamiro Pogona ine kufa Andidzutsano


Podzichepetsa andikwezanso Moyo wa moyo Yesu Ambuye

Ndikakhumundwa Andilimbitsa Ndikadzitama Andichepetsa


Ndikasokera Andilondola E! Wokonderdwa Yesu Ambuye

Ndimachitira inu umbori ndikukuzani moyamikira


Mphamvu ndi nzeru Moyo zonsezi Si zanga nzanu Yesu Ambuye
CHEWA HYMN 6: LIMBA MTIMA
Limba mtima mbale wanga Usapunthwe m’njirayi
Onatu nyenyezi ija Ikutsongoleradi
Tamveratu Mlungu tekha Chita zolungama’we
Yenda bwino khulupirira Mbuyeyo Mbuyeyo; Ndi kuchita zakezi

Taya zako zochenjera Taya zamundimanso


Nthawi zonse khulupira Chita Zolungamazo
Usayang’anire wina M’khondo yako yomweyi
Koma m’zones khulipira Mbuyeyo Mbuyeyo; Ndi kuchita zakezi

Leka zakuipa zako Myambi yonse yoti bii


Usakhulupire mommo Tamveratu Mbuyedi
Adzadana nawe ena Ena adzakonda ‘we
Kweza maso Khulupirira Mbuyeyo Mbuyeyo; Ndi kuchita zakezi

Mawu ake atipatsa Mpamvu ndi mtenderenso


Bwino atitsogolera Tikhulupirira ‘wo
Limba mtima usapunthwe M’njira yamundimayi
Yenda bwino Khulupirira Mbuyeyo Mbuyeyo; Ndi kuchita zakezi
NDEBELE HYMN 1: SINGABAHAMBAYO EMHLABENI

1. Singabahambayo Emhlabeni 3. Lapho kuMsindisi Ezulwini


Kepha sinekhaya Ezulwini Abamhlandeleyo Ezulwini
Noma sisahaqwa Ingozi nozisi Bophmula naye, Kanye nabangowele
Sithi akunjalo Ezulwini Nabathandiweyo Ezulwini

2. Noma sisabethwa Isiphepho 4. Thina babaKristu Ezulwini

Ngenxa yakho, Jesu Nkosi yethu Sobheka ekhaya Ezulwini


Size sidle ifa Esiliphiwayo
Isikhathi lesi Esihlushwa ngaso
Ifa lokuphila Ezulwini
Sophela masinya Nehlupeko
NDEBELE HYMN 2: SINOMHLOBO ONGUJESU
1. Sinomhlobo ongu Jesu, Unothando 3. Sezomuka emhlabeni Wabathanda
Akanjengaminy’im’hlobo Unothando Setekhona ezulwini Ubathando
Akanayo injabiso Akanayo inkohliso Ubalungisela khona Uyabahlalela bona
Uyasiza ngeqiniso Unothando Wobamkela banke khona Ngai’uthando

2. Ungumhlobo weth`uJesu Unothando 4. Nina niyamdinga yini? Unothando


Akadei’abathu bake, Unothando Kade nihlupheka yini? Unothando
Ubahola endleneni, Ubagcina engozini Kungezono zenu yini?
Ubakhipha osizini Unothando Wonikhipa kuzoyena; Unothando

5. Loluthando, hawu lukhulu Siyabona


Masimthande `he kakhulu, Osithanda
Ngalo masihambe Sonke;
Ngalo sokwahlula sonke
Luyadul’ olunye lonke Loluthando
NDEBELE HYMN 3: DUMISANI, BANTU NONKE

Dumisani bantu nonke Akazanga ngai ushaba


Zidumis’ izintu zonke Hambisani lezindaba
Namhla ngumhla wendumiso Uze kithi ngobubele
Namhla ngumhla wethabiso Uze yen’ukusifela
Umkhululi usezelwe Hambisani lezindaba
Ubusiso iwehlisiwe Ziye kuwo wonk’u umhlaba
Namhla ububele bukho Bongani bantu nonke
Namhla isindiso ikho Ziyabong’izinto zonke
NDEBELE HYMN 4: MANGISONDELE
1. Mangisonde kuwena Nkosi’ 4. Nasekuseni Ngobonga Nkos’
Noma ngiqhutshwa Inhlupheko Nkos’ Nasosizini Ngodumisa Nkos’
Ngingathokoza Ngiphinda ngithi-nje Uma kungabe Ngokuhlupheka kwam’
Ungisondeze Nkos’kuwe manje Ungisondeze Nkos’kuwe manje

2. Noma ngehleiwa Ngokubi Nkos’ 5. Noma ngindiza Ngethaba Nkos’


Ngilel etsheni Ngihlupheka Nkos’ Ngiye phezulu Ezulwini, Nkos’

Emaphushweni Njalo ngingathi-nje Njalo ngovuma Ngiphinde ngiti-nje


Ungisondeze, Nkos’kuwe manje
Ungisondeze Nkos’kuwe manje

3. Ngibonise O Nkosi yam’


Ukuyhi konye O Kukuwe Nkos’
Kuyizithunywa Zokungisa-nje
Ungisondeze Nkos’kuwe manje
NDEBELE HYMN 5: YIMANI ISIBINDI

Yimani isibindi Mabutho aka Jesu


Umkosi niwuhlabe, Ngayenganqotshwa qha
Equob ` uyakunqoba Esabahol `abanke
Izitha wozinquoba Abus ‘ I ndawo zonke

Yimani isibindi Imbande nans’ ikhala


Yimani Ekulweni Kuseyinamhlanje
Yibani –amaqawa, Nilwei iNkosi yenu
Igwal alingtabikho, Yimani nithi ngo

Yimei’ uJesu Kristu Yim’emandleni akhe


Ingalo enye ize Neyenu ingesize
Yibani –amaqawe Nilwei iNkosi yenu
Igwal alingabikho, Yimani nithi ngo
NDEBELE HYMN 5: YIMANI ISIBINDI ………CONTINUED

Yimani isibindi Mabutho aka Jesu


Ingalo enye ize Neyenu ingesize
Hlomani izikhali ZeNkosi yamankhosi
Nilinde ,, nighandaze Nizondi umvumu wenu

Yimani isibindi Sekuzophei, ukulwa


Umsindo wempi namhla kobongwa iNkosi ngomso
Kobongwa namaqhqwe Aphiwe Inkosi ngomso
Abuse njalonjalo NeNkosi nobunkosi

You might also like